Accessibility links

Breaking News

Bishop Magaya Vanoti VaMnangagwa Havafanirwi Kutungamira Misangano yeNhaurirano


Zimbabwe Divine Destiny Founder Ancelimo Magaya

Mutungamiri wekereke yeZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti nhaurirano dzakanaka munyika asi hadzifanirwi kutungamirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo vari munhu ari mugakava rezvematongerwo enyika.

Zvichiteverawo musangano wadaidzirwa naVaMnangagwa kuti vakurukure nevamwe vavakakwikwidzana navo musarudzo dza2018, Bishop Magaya vati nyaya yekutaurirana yakanaka chose asi vakati haifanirwi kutungamirirwa naVaMnangagwa.

VaMagaya vati VaMnangagwa vari pakati pegakava riri kunetsa munyika nekudaro hazvigoni kuti vakokere nhaurirano yekutsvaka kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaOwen Dhliwayo, vaudzawo Studio7 kuti musangano wakokerwa nemutungamiriri wenyika wakanaka zvikuru sezvo wapa mukana vatungamiriri vemapato akasiyana-siyana wekuti vataure nhunha dzavo.

Mumagwaro avabudisa, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ratiwo hurukuro hadzifanirwi kungopinda vari munyaya dzematongerwo enyika chete, asi kuti munhu wese ave nechekuita nenhaurirano idzi.

Vemapato anopikisa, vedzisvondo pamwe nenyanzvi munyaya dzerunyararo vanoti kusagadzikana kwezvinhu munyika kunopedzwa chete nenhaurirano dzinonanga kugadzirisa zviri kunetsa, kwete nhaurirano dzakanangana nekuchengetedza zvigaro zvevakuru mune zvematongerwo enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG