Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kushambadza Kuongororwa kweGwaro reVavhoti


ZEC
ZEC

Masangano akazvimirira anoti haasi kufara nechinono chiri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mukuita zvironga zvekushambadza chirongwa chekuti vanhu vaongorore gwaro revavhoti.

Masangano aya anoti ZEC inofanirwa kupinda mumaruwa pamwe nekushandisa masangano enhau ichidzidzisa veruzhinji nezvechirongwa chekuongorora kana mazita avo ari mugwaro revavhoti vakanyoresa.

Masangano aya anotiwo ZEC yakatara mazuva mashoma ekuti vanhu vaongorore zviri mugwaro revavhoti, izvo anoti vanhu vakawanda vachatadza kuongorora gwaro iri.

ZEC yakazivisa kuti chirongwa ichi chichatanga musi 19 kusvika musi 29 Chivabvu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaHardlife Tangai, vanoti ZEC iri kutadza kuita basa rayo nemazvo.

Nhengo yeCommunity Tolerance and Reconciliation Development, VaZivanai Muzorodzi, vanotiwo ZEC haisati yatuma vashandi vayo kuti vadzidzise nekuzivisa veruzhinji vari kumaruwa nezvechirongwa chekuongorora gwaro iri.

Mutauriri we Crisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vatiwo havasi kufara nedanho reZEC rekubhadharisa masangano akazvimirira mari yekuongorora chirongwa ichi, vachiti izvi zvinotadzisa kuitwa kwesarudzo dzakachena.

Sangano reMISA-Zimbabwe rinotiwo harisi kufara nekubhadhariswa mari kuri kuitwa vatori venhau sezvo vakabhadhariswa kare mari neZimbabwe Media Commission kuitira kuti vaite basa ravo zviri pamutemo.

Vatori venhau vanobhadhariswa madhora gumi pamunhu kuti vaongorore chirongwa ichi.

Studio7 yakundikana kubata sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, kuti vatipe divi ravo.

Asi mumwe mushandi weZEC, VaTaurai Gavi, vakaudza vatori venhau muMasvingo svondo rapfuura kuti ZEC ine chido chekugadzirisa nyaya yekuti vatori venhau vasabhadhare mari.

Zvisineyi nezviri kuitwa neZEC, masangano aya anoti akatotanga kare kupinda muvanhu achivadzidzisa zvakakoshera kuongorora gwaro revavhoti munguva yakatarwa neZEC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG