Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okurudzira Hurumende Kuvandudza Mitemo Inobata Sarudzo


MDC-T Voters Masvingo
MDC-T Voters Masvingo

Masangano akazvimirira anoti hurumende inofanirwa kuona kuti muyika maitwa sarudzo dzisina mutauro kuburikidza nekuvandudza mitemo inobata nyaya dzesarudzo.

Vachitaura pachirongwa chekuparura chirongwa che Feya Feya Campaign muMasvingo, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCrisis in Zimbabwe Coalition, VaThulani Mswelanto, vati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vavo vari kubata pasi rose kumeso vachivimbisa sarudzo dzakachena, asi hurumende yavo isina zvairi kuita mukuvandudza mitemo yesarudzo.

"Chekutanga ndechekuti hurumende yedu inotungamirirwa naVaMnangagwa haizive chinonzi free, fair and credible elections chairi kufamba ichi poromisa pasi rose kuti Zimbabwe ichaita free and fair elections. Pane zvinhu zvakawanda zvataifanira kutanga kugadziriswa zvakafanana nekuti mauto asaite basa rekufambisa zvema elections ku ZEC," vadaro VaMswelanto.

Mukuru wesangano revakaremara reDisability Amalgamated Community Trust, VaHenry Chivhanga, vatiwo feya feya ichanetsa musarudzo nekuti hurumende haisi kugadzirisa zvakaipa zvaiitwa makore apfuura nehurumende yaVaRobert Mugabe.

Asi Dumisani Mngutshini veMasvingo Youth Empowerment vati VaMnangagwa vari kuita basa guru rekugadzirisa zvinhu kuti sarudzo dzitwe pachena sekuvimbisa kwavo.

Asi VaGilbert Sibanda veZimbabwe Civic Education Trust, vati kunyange hazvo nyika dzekunze dzakakokwa kuzoona sarudzo, kutyisidzirwa kwevanovhota mumaruwa kuri kuitwa nemadzishe nemauto kuchiripo.

"Pane zvinhu zvitatu zvakati koshei pane kutorwa kwema slips nemadzishe inyaya imwe inoramba ichiita sekuti vanhu arikuramba vachityikidzirwa, kozoti marehwa rehwa ekuti masoja akadirwa mumaruwa chinhu chichakanganisa sarudzo, uyezve kuvandudzwa ke bumbiro resarudzo ma reforms chinhu chinofana kuti chiitwe sarudzo dzigofamba zvakanaka," vadaro VaSibanda.

Mapato anopikisa ari kugara akachema achiti hurumende haisi kuratidza chido chekuvandudza mitemo yesarudzo.

Nyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo yakapinzwa muparamende kutanga kwemwedzi uno, asi hapana zvakaitwa zvichitevera kupokana kwakaitika muparamende kudzamara nhengo dzedare dzaenda pazororo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG