Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association kana kuti ZIMTA vari zvekare mutungamiri wechikwata chevamiriri vevashandi vehurumende cheApex Council, VaRichard Gundani, vanoti hurumende yange istai yazivisa zuva rekuti hurukuro dzemihoro dzinoitwa rinhi.
Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vhiki rapera kuti Public Service Commission ichazivisa nezvezuva renhaurirano idzi.
Izvi zvinotevera kuita chamurambamhuru kwemitengo yezvinhu kunyangwe mari dzemihoro dzisiri kuwedzerwa.
Asi mutungamiri werimwe resangano evarairidzi, rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti APEX Council hainyatsomiririre zvido zvavo.
Asi VaGundani nevamwe vakuru veAPEX Council vanoti vanomirira zvido zvevashandi vehurumende vese.
Facebook Forum