Accessibility links

Vashandi veHurumende Vopengera Hurumende Yanga Yoda Kuchinja Chibvumirano


Vashandi vehurumende vakawanda kuMasvingo vanoti vachafa vasina dzimba mumaguta sezvo chirongwa chakaumbwa chekuti vakwanise kuva nedzimba dzavo, chava kuda mari yakawandisa chose.

Hurumende yakabudisa mashoko svondo rapera kuti vadzidzisi vanofanira kubhadhara mari inosvika zana nemakumi mashanu emadhora pamwedzi wega pasi pechirongwa che Civil Service Housing Scheme icho chavange vakavimbiswa kuti vachadhara makumi mashanu emadhora pamwedzi kuitira kuti vawane dzimba.

Vashandi ava, kunyanya vadzidzisi, vanoti mari iyi yakawandisa sezvo vachitambira mari inopfuura zvishoma mazana matatu emadhora pamwedzi, izvo zviri kuvasiya vasina mari yekuraramisa mhuri dzvavo.

Mumwe mushandi wehurumende muMasvingo, VaAnorld Gondwi, vanoti mari iyi ichabatirwa kumabanga kwavo zvekuti vanosara vachinonga svosve nemuromo.

Vamwe vanoti hurumende ye Zanu PF inoda kuvatorera mari yavo kuti igokwanisa kuishandisa mukukwezva rutsigiro pasarudzo dzegore rionouya sezvo vashandi zviuru makumi manomwe nezvishanu vakanyoresa pasi pechirongwa ichi.

Mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzisi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanoti hurumende inozivikanwa zvikuru nekushandisa mari dzevanhu nenzira isiri iyo.

VaZhou vanoti nhengo zhinji dzesangano ravo dzichabuda muhurongwa uhu nekuti zvavakuitwa nehurumende, handizvo zvavakawirirana.

Munyori mubazi rezvematunhu nekuvakwa kwedzimba munyika, VaGeorge Mlilo, vakaudza vatori venhau kuti vakatopedzerana nevakuru vevashandi vehurumende vachiti chirongwa ichi chiri kutanga gore rinouya.

Vakati vanoda kuti vashandi vehurumende vakwanise kuvawo nedzimba dzavo mumadhorobha ose ari munyika.

Asi vashandi ava vanoti havana kutenderana pamari iyi vachiti yakawandisa.

Mumwe mushandi akaramba kudomwa zita rake anoti vachafa vari maroja nekuti chirongwa ichi chiri kudhura zvakanyanyisa.

VaMlilo vakati chirongwa chi chichavaka dzimba, kunyanya dzemudurikidzwa mumadhorobha ose makuru enyika, senzira yekupedza dambudziko rekushaikwa kwedzimba rakatarisana nevashandi vehurumende.

Asi mutevedzeri wasachigaro weApex, VaLudisious Zunde, vanoti vakaita musangano naVaMlilo vakawirirana kuti paitwe hurukuro pamusoro pemari dzakange dzatarwa nehurumende sezvo mari iyi yakawandira vashandi.

VaZunde vanoti vakatadza kuwirirana pamari inobatirwa vashandi, chirongwa ichi hachiendereri mberi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG