WASHINGTON D.C. —
Hurumende nevashandi vayo pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council vari kutarisirwa kita musangano neChishanu vachishandisa madandemutande sezvo pari kutyirwa kuti panogona kutapuriranwa chirwere checoronavirus kana vakasangana.
Musangano uyu uri kutarisirwa kuzeya nyaya dzemihoro, idzo vashandi vanga vochemachema kuti dzamiswa kwenguva yakarebesa.
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vakatenda kuti nhaurirano dziri kutarisirwa kuenderera mberi asi vakati vanoda kutaura mushure mekunge dzaitwa.
Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZimta VaRichard Gundani vanoti nhaurirano idzi dziri kutora nguva yakarebesa.
Facebook Forum