Sangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, ratambira zvikamu zviri pakati pemakumi mashanu kubva muzana nemakumi manomwe nematanhatu kubva muzana, izvo hurumende yaisa patafura ichiti inokwanisa kuwedzera nazvo mihoro yevashandi vayo.
Munyori musangano reApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti zvaitwa nesangano ravo zvekutambira zvikamu izvi ndizvo zvakabva muvashandi mushure mekunge vavapira zvakanga zvakapfumbatwa nehurumende.
VaDzatsunga vanoti kutambira kwavaita mari idzi hakurevi kuti vachamisa nhaurirano nehurumende dzekuti iwedzere mihoro yevashandi.
Vanoti mushandi ari pamusorosoro achawedzerwa muhoro nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, kuchitiwo mushandi ari pasi pasi achiwana zvikamu makumi manomwe nezvitanhatu kubva muzana.
Izvi zvinoreva kuti mushandi uyu anenge otambira RTGS $1023.00 pamwedzi.
Asi VaDzatsunga vanoti sesangano, vari kuda kuti mushandi wepasi atambiriswe mari inoita RTGS$4750.00 pamwedzi.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Zvichakadaro, sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti harisi kuzonyaradzwa nemari yarinoti isina zvainobatsira yabvuma kutambirwa neApex Council iyi, richiti varairidzi vari kutambura zvakanyanya zvekuti mari iyi haina zvainovabatsira nazvo.
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti vacharamba vachirwira kodzero dzevarairidzi kudzamara dzazadziswa.
Facebook Forum