Sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kunyunyuta zvikuru nekwarinoti kusarongeka kwechirongwa chehurumende chekuunganidza ruzivo pamusoro pevashandi vayo kana kuti biometric exercise, icho chiri kuitwa senzira yekuburitsa nayo pachena vanhu vangadai vari kutambira mari asi vasiri vashandi vehurumende, kana kuti ghost workers.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti varairidzi vakawanda vakaedza kunonyoresa pasi pechirongwa ichi asi vari kusangana nezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana zviri kuvatadzisa kuti vange vachipa zvese zviri kudiwa nehurumende pamusoro pavo.
Doctor Zhou vanoti dambudziko guru riri kusangana nenhengo dzavo, nderekuti vanoenda kumahofisi kwacho vosvikoudzwa kuti hapana zvimwe zvinodiwa kuti vabatsirwe.
Vanoti chimwe chiri kunyanyovanetsa ndechekuti chirongwa ichi chiri kuita kusarudza varairidzi, zvikuru vaya vanenge vaine zvitupa zvesimbi vasina zvitsva zvemazuvano.
Vanotiwo vakanyorera hurumende tsamba semasangano evashandi vachida kuti vaite musangano wekutsanangurirwa pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi, asi vanoti kusvika nanhasi havasati vapindurwa.
Chirongwa ichi chinonzi chiri kutarisirwa kupera neMuvhuro 30 Gunyana, hurumende ichiti mushandi anenge asina kunyoresa patsva zita rake haaizokwanisa kuwana muhoro wake wemwedzi waGumiguru.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi Doctor Zhou vanoti kusarongeka kwazvo kwave kukanganisa mashandiro evarairidzi uyewo kuvatorera twumari twushoma twavanenge vatambira, zvinozovasiya vasina mari yekutenga zvekudya zvinovakwanira.
Facebook Forum