Accessibility links

Breaking News

Citizens Forum Inoti Icharatidzira kuMuzinda weAmerica neMasangano Akazvimirira


U.S. Embassy
U.S. Embassy

Sangano rinozviti Citizens Forum rinoti richaratidzira kumahofisi emuzinda weAmerica, Zimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe neCrisis in Zimbabwe Coalition.

Sangano iri rinoti harina kubatwa zvakanaka parakasvitsa nyunyuto dzaro kumahofisi aya.

Vachitaura nevatori venhau, mukuru musangano iri, VaAlex Gakanje, vati vachatora matanho kumasangano aya sezvo vari kutsutsumwa nekutambirwa kwavakaitwa pavaiendesa tsamba dzenyunyuto kumasangano awa.

Citizens Forum yakaudza vatori venhau kuti inofungidzira kuti masangano aya akapesvedzera mhirizhonga yakaitwa mwedzi wapera.

VaGakanje vati vachanyorazve imwe tsamba kumuzinda weAmerica kana izvi zvikasashanda, vozonoratidzira.

VaGakanje vatiwo vachatora matanho avasina kutsanangura kusangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Asiwo mumusangano mumweyo VaGakanje vabvumawo kuti Zimbabwe inoda rubatsiro kubva kuAmerica.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vashora sangano iri vachiti rinofanirwa kushanda kurwisa matambudziko ari munyika kwete kuswera richitaura zvagudo natsuro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumamwe masangano adomwa neCitizens Forum.

Asi muzinda weAmerica muHarare unoti pari zvino hauna chekutaura pamusoro pemashoko eCitizens Forum

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG