Accessibility links

Breaking News

Vedzisvondo Vokurudzira VaMnangagwa Kushanda neVamwe


Emmerson Mnangagwa, ancien vice-président du Zimbabwe, à gauche, serre la main du président sud-africain Jacob Zuma lors d'une courte visite à Pretoria, Afrique du Sud, 22 novembre 2017.
Emmerson Mnangagwa, ancien vice-président du Zimbabwe, à gauche, serre la main du président sud-africain Jacob Zuma lors d'une courte visite à Pretoria, Afrique du Sud, 22 novembre 2017.

Vatungamiri vemasvondo munyika vokurudzira vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri mutsva, VaEmerson Mnangagwa, kuti vakoke vanhu vose kusanganisira vemapato anopikisa makuru munyika, vedzisvondo pamwe nemasangano akazvimirira kuti vaite musangano mukuru wekuumba gwaro rinozopa gwara rekutungamirira hurumende yemubatandizwa yakatarisirwa nevanhu.

Vachitaura pamusangano wevatori venhau nhasi, mutungamiri we Faith for the Nation, Rev Andrew Wutawunashe, vati vachanamatira runyararo uye kubatana kwevanhu munyika itsva yeZimbabwe.

VaWutawunashe vati vatungamiri vatsva vavapo vanofanira kubatana nemamwe mapato kuitira kuti vatangise kuvaka nyika iyo yanga yawondongwa nehutongi hwa VaRobert Mugabe, avo vakasiya basa nezuro.

Vati panofanirwa kuva negwaro rinotara zvinofanirwa kuitwa zvinenge zvabvumiranwa.

VaWutawunashe vashoropodza vamwe vatungamiriri ve Zanu PF vakabuda vachiramba kuti bato ravo harifaniri kubatana nemamwe pakuumba hurumende inotsviva yaVaMugabe vachiti yave nguva yekubatana nekuvaka nyika.

Mufundisi Munyaradzi Chidarikire, ve Alliance Church vati vedzisvondo havatarisiri rusarura pakuumbwa kwe hurumende itsva .

Vamwe vakaita sa Mufundisi Simba Gwara veku Baptist Church vati kuti nyika ienderere mberi, mutungamiri mutsva hafaniri kuita humbimbindoga.

Vatungamiri ava vanoti masvondo ari pasi pemubatanidzwa we Faith for the Nation Campaign achanamatira nyika kuti ive nekubatana uye igadziriswe zvakanaka.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG