Accessibility links

Breaking News

MaKristu Ocherechedza Zororo reEaster Kunyange Zvinhu Zvakaoma muNyika


Vatendi vemakereke akasiyanasiyana vanocherechedza zororo reEaster vachitevedzera kutambudzwa kwakaitwa Jesu Kristu.

Makristu munyika anoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika, ari kurangarira kuroverwa nekumuka kwemwanakomana waMwari, Jesu Kristu, panguva yezororo reEaster, achirangarirawo hupenyu hwake.

Vatendi ava vanoti nguva iyi yakakosha nekuti ndiyo nguva yavanowanawo yekunamata kuti varegererwe zvitadzo zvavo uye kuburitswa mumatambudziko avanosangana navo munyika.

Vatendi vataura neStudio 7 vakawanda vanoti vachapedza zororo reEaster iri vari kumisangano yemakereke avo akasiyanasiyana, uko kwavari kunamata nevamwe vachirangarira mwanakomana waMwari, uyo akafira zvivi zvavo.

Vazhinji vanoti nguva iyi yakakokosha zvikuru nekuti ndipo pavanowana mukana wekutenda Mwari nekuvapa mwanakomana akauya pasi pano akazofira zvivi zvavo.

Mufundisi Misheck Masitara, vekereke yeBaptist, vanoti nguva iyi yakatanga kupembererewa nekukosheswa munyika kubva Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere nekuti vatendi vechikirisitu vanorangarira mabasa akaitwa nemwanakomana waMwari, uyo akafira zvivi zvavo nekumuka muvafi muzuva retatu.

Vamwewo vataura ne Studio7 vanoti nguva iyi yakakosha nekuti vanoungana kumakereke avo nevamwe vatendi vakawanda vanobva kumativi mana enyika vachinamata pamwechete kuti vanzwikwe naJevohva.

Ambuya Ropafadzo Tabe, vanopinda kereke yeCovenant iri mudhorobha reMasvingo, vanoti ivo nguva ye Easter kana kuti Pasika inoyera muhupenyu hwavo nekuti ndiyo nguva yavanosvika pedyo naMwari vachinamatira zvose zvavanoitirwa mukurarama kwavo.

Pastor Lovemore Mungwari, vanotungamirira kereke yeTabernacles of Grace International Ministries, vanokurudzira vatendi munyika kuti vakoshese zuva iri varangarire mwari vachitenda nekukumbira makomborero muhupenyu.

Vanoenderera mberi vachiti vanhu vazhinji vasingatendi nezve nguva iyi vanofanira kunamatirwa uye vawoneswe kuti hupenyu hwavo hwakakomborerwa zvakadii panguva iyi mushure mekufirwa nekuregerwa kwezvivi zvavo, apo mwanakomana waMwari akaroverwa pamuchinjikwa.

Vanoti vatendi vechikirisitu pasi rose vanofanira kupedza mazuva mana ekupemberera nguva iyi vachitsanya kuti makomborero awande munyika.

Vamwewo vakaita saAmai Sungano Zvarebwanashe vanoti nguva iyi ndiyo yavanotora kunamatira nyika yeZimbabwe, iyo iri kusangana nematambudziko akawanda.

Nguva ye Easter inokosheswa nehurumende yeZimbabwe iyo yakaita kuti ive zororo kuitira kuti vatendi vawane nguva yekunamata vachitenda vasingaendi kumabasa.

Gore roga roga munaKubvumbi, Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika dzevatendi kukoshesa nguva iyi apo vanozorora kwemazuva mana kubva neChishanu kusvika musi weMuvhuro.

Vanhu vanopfuura zvikamu makumi masere kubva muzana munyika yeZimbabwe ndeve chitendero chechikirisitu.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG