Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanosungwa muChitungwiza Mushure Mekunetsana neMapurisa


Zvinonzi paita hwakitsi nagonzo pakati pemapurisa anodzivirira mhirizhonga, vagari pamwe nevaive vashandi vekanzuru yeChitungwiza mushure mekunge mapurisa aya aedza kuparadza vanhu vanga vaungana.

Zvinonzi paita hwakitsi nagonzo pakati pemapurisa anodzivirira mhirizhonga, vagari pamwe nevaive vashandi vekanzuru yeChitungwiza mushure mekunge mapurisa aya aedza kuparadza vanhu vanga vaungana.

Vanhu ava vaungana vachida kuona gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, avo vanga vachitarisirwa kushanyira musha uyu.

Vanhu makumi maviri vanonzi vasungwa, uye vamwe vane chitsama vakakuvara muchiitiko ichi.

Mukuru wesangano revagari veChitungwiza, VaMarvellous Khumalo, vanoti vagari vatanga kuungana pamahofisi ekanzuru yavo mangwanani mushure mekunge vanzwa kuti VaKasukuwere vaizopinda muChitungwiza kuti vazeye nezvegwaro reongororo yakaitwa mumusha uyu, iro rinonzi rakafumura nyaya dzehuwori hunonzi hwaiitwa pakutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba.

Asi VaKasukuwere vanonzi vazokundikana kuenda kumusangano uyu, izvo zvinonzi zvazoita kuti vagari pamwe nevaive vashandi ava, avo vakakaka matende pamahofisi ekanzuru, vabviswe zvine chisimba nemapurisa.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, kanawo kuziva chikonzero chapa kuti VaKasukuwere vatadze kuenda kuChitungwiza.

Hurukuro naVaMarvellous Mhlanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG