Kanzuru yeChitungwiza yapa vagari vedhorobha iri vari kuita mabhizmusi zviri kunze kwemutemo mazuva matatu kuti vamire mabasa avo kana kuti vachapwanyirwa zvivakwa zvavo kana vakatadza kutevedzera danho iri.
Asi danho ratorwa nekanzuru yeChitungwiza riri kushorwa zvikuru nevagari venzvimbo iyi.
Gwaro raburitswa nevakafanobata chigaro chamabharani wekanzuru, Amai Evangelista Machona, rinoti vese vari kuita mabasa ekukanya nekutengesa zvidhinha, kugeza, kuchengeta nekutengesa motokari, vanogadzira midziyo yemudzimba pamwe nekutengesa mumigwagwa zvisiri pamutemo, vanofanira kumira mabasa avo mukati memaawa makumi manomwe nemaviri kana kuti vachapwanyirwa zvivakwa zvavo vakasatevedzera danho iri.
Amai Machona vati kanzuru yavo ichashanda pamwechete nemapurisa eZimbabwe Republic Police pamwe nebazi rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu pamwe nekuvandudzwa kwezvivakwa nemusi weChishanu svondo rino kuona kuti mutemo watevedzerwa zvizere.
Vakurudzira vagari kuti vasazochema kana varasikirwa nehupenyu pamwe nemidziyo yavo kana vachinge vakaka nharo. Vatiwo kanzuru yavo haisi kuzoripa vacharasikirwa nemidziyo yavo kana vasina kutevedzera zvataurwa nekanzuru yavo.
Asi mumwe mugari wemuChitungwiza uyo anorarama nekugaisa, VaMilton Mandere, vati havana kwavanokwanisa kuenda sezvo hurumende iri kutadza kuvapa mukana wekuti vawane mabasa.
Mutungamiri wesangano reChitungwiza and Manyame Residents Association uye vari zvakare sachigaro weHarare Metropolitan Residents Forum, VaMarvelous Khumalo, vashora danho ratorwa nekanzuru yeChitungwiza iri vachiti danho iri ratorwa pasina kutariswa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe remasangano evagari vemuChutungwiza, re Chitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vaudza Studio 7 kuti vachaendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva.
Meya weChitungwiza, VaLovemore Maiko,vati sekanzuru vari kuda kuti vose vane chekuita nenyaya iyi vagare pasi nekanzuru yavo kuitira kuti vabude nechinhu chimwe chete.
Zvichakadai, bato reMDC Alliance rabuditsawo mashoko ekuti VaTafadzwa Muguti vanove Provincial Development Coordinator wedunhu reHarare ndivo vakaudza Amai Machona kuti zvivakwa zvekuChitungwiza zvisiri pamutemo zvipwanywe.
Hatina kukwanisa kutaura naVaMuguti pamwe be gurukota rinoona nezvematunhu, VaJuly Moyo, kuti tinzwe pavamire panyaya iyi.
Mukuru wesangano revanotengesa mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vati vari kutaura nemagweta avo kuti vaone kuti votora matanho api.
Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vachavhiringwa nehurongwa hwekanzuru yeChitungwiza kutanga nemusi weChishanu.
Asi gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaidamoyo Saurombe, vati zviri kuda kuitwa nekanzuru zvinopesana nezviri mubumbiro remitemo sezvo bumbiro iri richiti kuti zvivakwa zvipwanywe panofanirwa kunge paine mutongo unobva kudare redzimhosva.
Kuputswa kwezvivakwa zviri kunze kwemitemo kwakamboitwa munyika yose muna 2005 pasi pechirongwa chaidaidzwa kuti "Operation Murambatsvina" icho chakanzi nenhumwa yeUnited Nations panguva iyi, Amai Anna Kajumulo Tibaijuka, chakasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vasina pekugara uye vasina zvekudya.
Facebook Forum