Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yozivisa Vane Zvivakwa Zvisiri Pamutemo Kuti Vaputse Zvivakwa Izvi


Hundreds of residents have been left homeless in Chitungwiza and Epworth following the house demolitions Friday. (Courtesy Photo)
Hundreds of residents have been left homeless in Chitungwiza and Epworth following the house demolitions Friday. (Courtesy Photo)

Kanzuru yeChitungwiza nhasi yapa vese vakavaka zvisiri pamutemo panzvimbo yemabhizimisi yeTown Centre kuti vaputse zvivakwa zvavo mukati memaawa makumi mana nemasere ari kutevera ichiti kana vakasaita izvi, kanzuru ichaputsa zvivakwa izvi yega.

Muchiviso kuvagari, kanzuru yeChitungwiza yati vakavaka vasina mvumo yekanzuru vanofanira kuputsa zvivakwa izvi zvisinei kuti ndivo varidzi venzvimbo here kana kuti kwete.

Kanzuru inoti ichashandisa mutemo weRegional, Town and Country Planning Act, zvikamu 32 ne35 kuputsa zvivakwa izvi.

Mutaururi wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vaudza Studio 7 kuti kanzuru inotarisira kuvandudza nzvimbo yeTown Centre ndosaka vari kubvisa vanhu vakavaka zvisiri pamutemo.

VaMeya vatiwo vamwe vevanhu vari kuvakava zvisina mvumo vanhu vakatopihwa masitendi asi vari kungotadza kutevedza mutemo.

Vati zvivakwa zvichaputswa zvinosanganisira zvitoro, maDurawall pamwe nezvimwe.

Asi mukuru weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Diana Kuvheya, vaudza Studio 7 kuti kanzuru haina mvumo zvekuti magweta avo eZimbabwe Lawyers for Human Rights atonyorera kukanzuru pamusoro penyaya iyi.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vashoropodza hurongwa hwekanzuru yeChitungwiza vachiti kanzuru haifaniri kurega vanhu vachivaka pese pese yozomirira kuputsa chete.

Vati kanzuru inofanira kugara pasi nevagari vogadzirisa nyaya iyi kwete kuputsa zvivakwa zvavo.

Gore rino kanzuru yeChitungwiza yainge yaronga kuputsa dzimba dzese nemisika zvakavakwa zvisiri pamutemo asi ikamiswa kuita izvi nematare edzimhosva ayo akati inofanira kutanga yapa vanhu ava pekugara pamwe nepekutengesera.

Tabvunza VaMeya kuti chirongwa chavo hachisi kuzomiswa sezvakaitwa zvimwe here vakati vanopihwa simba nemutemo weRegional, Town and Country Planning Act.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, sezvo nharembozha yavo yange isiri kubatika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG