Accessibility links

Breaking News

VaChipanga Vanoti VaMugabe Ingirozi yaMwari


Kudzai Chipanga weZanu PF.
Kudzai Chipanga weZanu PF.

Munyori wevechidiki mubato reZanu PF anoti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, ingirozi iri pedyo namwari inofanirwa kuremekedzwa.

Vachitaura neMuvhuro muChinhoyi paChinhoyi University of Technology, VaKudzai Chipanga, vakati VaMugabe vakafanana nemwana komana waMwari, Jesu Krisitu.

VaChipanga vakati vanhu munyika, zvikuru vechidiki vanomata Mwari, vateveri vaJesu Krisitu naVaMugabe.

VaChipanda vakati VaMugabe vave mudzimu webato reZanu PF zvekuti nhengo dzemubato dzave kuenda kunobvunzira kwavari kuitira kuti vapihwe mazano ekufambisa zvinhu munyika pamwe nemubato ravo.

VaChipanga vakayambira vakuru vakuru vari mubato ravo vavasina kudoma nemazita kuti vasazvinyengedze nekutsvaka rutsigiro kune vechidiki nekuti rutsigiro rwevechidiki runopihwa VaMugabe chete.

Vechidiki veZanu PF vakashoropodza mapurisa avanoti vari kuvarambidza kuchera goridhe pamugodhi weEldorado asi ivo mapurisa vachibvumira vanhu vavo kuchera goridhe nguva dzemanheru.

Vanhu vana vanonzi vakafa mushure mekutsikirirwa vachikorokoza goridhe pamugodhi weEldorado uri pedyo neChinhoyi masvondo mashoma apfuura.

VaChipanga vakange vari muChinhoyi vachisangana nevechidiki vanodarika chiuru vedunhu reMashonaland West mukuronga musangano mukuru wekusangana naVaMugabe kupera kwemwedzi uno.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongoerwo enyika dzinoti mashoko aVaChipanga ndeemunhu ari kutsvaga dzvene kubva kuna VaMugabe kuitira kuti vapihwe masimba munyaya dzematongerwo enyika.

Nyanzvi idzi dzinotiwo mashoko akadai anopatsanura bato sezvo achikurudzira vechidiki mubato iri kuti varemekedze VaMugabe chete, kwete vamwe vakuru vakuru vari mubato.

Kunyange hazvo musangano wanezuro usina kubuda nezuva richaitwa musangano naVaMugabe, VaChipanga nevamwe vavo vakawirirana kuti musangano uyu uchaitirwa paChinhoyi University of Technology.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG