Accessibility links

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nenzvimbo yekunyoresa kuvhota iyo yakaiswa kunze kweguta.

Vagari vakawanda vari kuenda kumahofisi eZimbabwe Election Commission, ZEC, ari pakati peguta vachida kunyoresa kuvhota uko vanosvikoudzwa kuti vaende kumahofisi avo ari kunze kweguta pedyo neTraining Center.

Vagari ava vanoti kwakaiswa nzvimbo yekunyoresa kure neveruzhinji.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaMark Munyoro, avo vanoita basa rekutenga nekutengesa, vanoti havasi kufara nenzvimbo yekunyoresa iyo vanoti iri kure nevanhu uye zvinotora nguva yakawanda kufamba kuenda kunonyoresa.

VaMunyoro vanoti sevatengesi havafanirwe kunge vasiri pavanotengesere kwenguva yakareba.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Adeline Huchu avo vanoti ZEC inofanirwa kushandisa mahofisi ari pamudzviti mukati meguta

Mumwe mugari, VaFarai Chikoore, vanoti mahofisi ari kunyoreswa kuvhota ari kure uye vanhu vakawanda havaazive.

Asi mumwe mugari, VaTatenda Chitate, avo vakanyoresa kuvhota, vanoti vanhu vanofanirwa kuziva mahofisi ose eZEC uye kuti anoshandeyi sezvo zvakakosha.

VaChitate vanoti ibasa reZEC pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika kuzivisa vanhu nenhengo dzavo nezvenzvimbo dzekunonyoresa kuvhota kuti munhu wose anoda kunonyoresa, azive kwekuenda kunonyoresa.

Kunyange mukuru weZEC muChinhoyi, VaGarnet Matyava, varamba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumirwe nemutemo webasa ravo, mumwe mushandi asina kuda kudomwa nezita rake anoti mahofisi ari pakati peguta ndeedunhu rose, province, ayo ari kunze kweguta ndeedunhu duku.

Sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vati matambudziko ari kuitika aya achagadziriswa nekupindana kwenguva.

Kunyoresa kuvhota kwakatanga svondo rapera neChishanu nevanhu vashoma vakange vari nhengo dzinozivikanwa dzezvemapato ezvematongerwo enyika.

Pari zvino vanhu vashoma vari kuenda pazuva kunonyoresa kuti vazovhota gore rinouya.

Kunyoresa kuvhota kunopera gore rinouya musiwa 15 Ndira uye sarudzo dzinotarisirwa kuitwa pakati pemazuva ekubva musiwa 24 Chikunguru kusvika musiwa 22 Nyamavhuvhu gore rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG