Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMitengo yeZvinhu Kworwadza Vakawanda


Vamwe vagarii vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nekukwira kuri kuita mitengo yezvekudya zvikuru sei nyika ichibva musarudzo.

Vakawanda vevanhu ava vanoti mitengo yezvinhu zvinoshandiswa mazuva ose zvakaita semafuta, upfu, nyama nesipo zvakakwira mitengo kubva svondo rapera.

Amai Senzeni Marimirofa vanoti chigubhu chemarita maviri chemafuta chakakwira kubva pamadhora maviri nemasendi makumi masere kusvika pamadhora matatu nemasendi makumi manomwe.

Amai Marimirofa vanoti mafuta aya anobva kuSouth Africa izvo vanofunga kuti ndizvo zviri kuita kuti adhure.

Amai Marimirofa vanoti zvinhu zvakawanda zvaakwira.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, Amai Getrude Chimedza, vanoti zvinhu zvakawanda zvakaita semafuta nemupunga zvakwirawo mutongo.

Amai Chimedza vanoti zvimwe zvitoro zviri kutengesa nemari chaiyo kwete Ecocash kana Swipe mitengo yakadzikira.

Amai Chimedza vanoti vanofunga kuti kushayikwa kwemari munyika ndiko kuri kuita kuti mitengo ikwire.

Mumwe mugari, VaMcdonald Chaitezvi, vanoti kushayikwa kwemari mumabhangi ndiko kuri kuita kuti zvinhu zvikwire sezvo vanotengesa vave kutenga mari pamusika mutema.

VaChaitezvi vanoti rimwe dambudziko riri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu ndezvematongerwo enyika sezvo vamwe vemabhizinisi vave kukwidza mitengo nekuda kwekusafara nezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChaitezvi vanoti kukwira kwemitengo kuri kuitika kuri kuratidza kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, havana samba rekuti mitengo igadzikane.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kusagadzikana munyaya yezvakabuda musarudzo zvimwe zvave kuita kuti vemabhizinisi vakwidze mitengo sezvo vasingazive kuti ramangwana rakamira sei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG