Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChinhoyi Yotsamwisa Vatyairi veDzimotokari


Muzvare Chiwoko Vanoti Havana Kufara neKubhadhariswa Mari neKanzuru yeChinhoyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00

Muzvare Agnes Chiwoko

Vazhinji vataura neStudio7 muChinhoyi vanoti nguva dzakawanda vanosungirwa kusapaka motokari zvakanaka vachiti panenge pasina mitsetse yakajeka pavanopaka motokari dzavo.

Mumwe anetsana nemapurisa nhasi ndiMuzvare Agnes Chiwoko avo vanogara nekushanda kuSouth Africa.

Muzvare Chiwoko vati pavamisa motokari yavo panga pasina mitsetse yanga yakajeka izvo zvaita kuti vabhadhariswe madhora makumi mashanu nematatu.

Muzvare Chiwoko vati vashandi vekanzuru vari kuita huori vachiti vanoda kusunga motokari dzine manhamba ekune dzimwe nyika kuitira kuti vapihwe mari yechioko muhomwe.

Mumwe mutyairi wemotokari inotakura veruzhinji, VaTom Mbire, vati kanzuru inofanirwa kugadzirisa pekumisa motokari vasati vaita shave rekutora mari.

VaAndrew Chisi vatiwo nzvimbo dzekumisa motokari iduku zvakanyanya uye mutsetse yacho haiwoneke vachiti nguva yavanopihwa kuti vamise motokari dzavo ipfupi padhora rimwechete paawa.

Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vati mapurisa ari kunzi ndeekanzuru haasi, vakati kanzuru yakapa basa iri kukambani yakazvimirira yeClina Investment.

Asi VaMlauzi vati vachaongorora zvichemo zvevanhu sezvo kubata basa kwakaipa kwekambani iyi kuchisvibisa zita rekanzuru.

Hatina kunzwa divi rekambani yeClina Investment sezvo mukuru wavo, VaBrian Michels, vanga vasinga davire nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG