Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMuturikiri Kunotadzisa Kutongwa kweZvizvarwa zvekuChina


Zvizvarwa zvekuChina zvichipinda mudare kuVictoria Falls.
Zvizvarwa zvekuChina zvichipinda mudare kuVictoria Falls.

Kunzwikwa kwenyay yezvizvarwa zvinomwe zvekuChina kwakatadza kuenderera mberi neChitatu mudare ramejasitiriti kuVictoria Falls nekuda kwekushaikwa kwemuturikiri.

Mutongi wedare, Muzvare Rangarirai Gakanje, vakabvumirana nemuchuchisi pamwe negweta revanomwe nenguva dzekuma 6 manheru nezuro kuti nyaya iyi iendeswe mberi, mushure mekunge vaswera zuva rose pasina chabuda nekuda kwekushaikwa kwemuturukiri.

Zvizvarwa zvinomwe zvekuChina izvi, zvakasungwa musi wa 23 Zvita zvichipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo une chekuita nekuchengetedzwa kwedzimwe mhuka, kana kuti Parks and Wildlife Act, mushure mekunge vawanikwa vaine zvidimbu zvenyanga dzezvipembere zvine huremu hunosvika makirogiramu makumi maviri, uye zvichikosha mari inosvika zviuru mazana mapfumbamwe emadhora.

Kutongwa kwenyaya iyi kwaifanirwa kutanga svondo rapera asi pakapinda nyaya iyi mudare muchuchisi, VaBhekimpilo Tshabalala, vakaita chikumbira chekuti kuita izvi kuendeswe mberi.

Vakati chikonzero chechikumbiro chavo chaive chekuti pamusoro pemhosva iri kupomerwa vanomwe ava, mapurisa aida kuwedzera imwe mhosva yekuburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo, uye kuti nekuda kwehudzamu hwayo, nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa kudare rekuHwange, kwavakati ndiko kune vatongi vakakodzera kunzwa nyaya iyi.

Muchuchisi negweta revanomwe ava VaGivemore Mvhiringi, vaive vabvumirana kuti nyaya iyi yaizotanga kutongwa svondo rapera rekare asi izvi zvakazotadza kuitika nekuda kwechikumbiro ichi.

VaMuvhiringi vakaudza Studio 7 parunhare kuti vave kutarisira kuti dare richatara zuva rekutongwa kwenyaya iyi nemusi weChina.

Mutongi wedare, Muzvare Rangarirai Gakanje, vakabvumirana negweta revanomwe ava kuti vave nenguva yakareba vari muhusungwa, vakati kutongwa kwayo kunofanirwa kutanga nekukasika.

Zimbabwe ine mutemo unorambidza kuuraya pamwe nekutengesa kana kuve nenyanga dzemhuka dzakadai sechipembere nenzou zvisiri pamutemo.

Kana vakabatwa nemhosva, mumwe nemumwe wevanomwe ava anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe kana kuraudzira pasina mukana wekubhadhara mari yefaindi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG