Accessibility links

Breaking News

Ishe Charumbira Vokurudzira Madzishe Kutsigira Bumbiro Idzva


Ishe Fortune Charumbira
Ishe Fortune Charumbira
Musangano wemadzishe wepagore watanga neChina kuMasvingo mukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vachiti madzishe anofanirwa kutsigira bumbiro idzva pareferendamu.

Ishe Charumbira kunyange hazvo madzishe asiri kufara nezvimwe zvikamu zviri mubumbiro idzva iri, vachatsigira gwaro iri pareferendamu.

VaCharumbira vatiwo madzishe ose achapiwa zvinyorwa zvebumbiro idzva iri pamusangano uyu kuitira kuti vagotsvaka rutsigiro rwokuti rivhoterwe.

Vachitaura nezvesarudzo, Ishe Charumbira, vatiwo madzishe achabuda nechisungo pakupera kwemusangano uyu chokuti sarudzo dze gore rino dzinofanira kusava nemhirizhonga mukati.

Vati izvi zvinoenderana nechivanhu chinoti vanhu vanofanira kudanana vachigara murunyararo.

Vachitaura pamusangano uyu, gavhuna weMasvingo, VaTitus Maluleke, vatenda hurumende nokupa madzishe, mbeu, pamwe nokuisa magetsi padzimba dze madzishe.

Musangano wemadzishe unoitwa apo madzishe mazhinji ekuMasvingo ari kuferefetwa pamusoro penyaya yokuti vazhinji vavo vakatengesa mbeu nezvimwe zvirimwa zvavakapihwa pachena pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika chokupa varimi mbeu pachena

Mumwe ishe, Ishe Phineas Makore, vakatotorerwa nyembe dzehushe mushure mekutengesa mbeu dzavaifanira kupa vanhu pachena.

Madzishe anodarika zana nemakumi mashanu nemadzimai awo ari kupinda mumusangano uyu, uyo uri kutarisirwa kupera neMugovera.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, varo kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano uyu neChishanu masikati.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vanotarisirwawo kuvhara zviri pamutemo musangano uyu neMugovera.

Nyaya Ina Obert Pepukai
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG