Accessibility links

Breaking News

Mutongi Mukuru weMatare Anoparura Kutanga Kutongwa kweMhosva Gore Rino


 Chief Justice Luke Malaba
Chief Justice Luke Malaba

Mutongi mukuru wematare edzimhosva, Chief Justice Luke Malaba, vaparura kushanda kwematare edzimhosva vachiti denda reCovid-19 rakavhiringa kushanda kwematare gore rapera izvo zvakaita kuti nyaya dzakawanda dzisanzikwa mumatare.

Vati denda reCovid-19 rabudisa pachena kuti matare anofanira kushandisa michina yechizvino zvino.

Vachitaura muHarare nhasi, VaMalaba vati gore rapfuura matare ange asingashande kwemwedzi mitatu nekuda kwekuvharwa kwainge kwakaitwa nyika senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vati panguva iyi pane nyaya shomanana dzainzikwa mumatare uye vanhu vakawanda vaitadza kuenda kumatare.

Vati izvi zvakakanganisa zvikuru kushanda kwematare ese munyika izvo zvakaita kuti matare anzwe nyaya shoma pane dzaaifanira kutonga.

Vati dare repamusoro soro rakapedza nyaya makumi maviri neina chete muna 2021 kana zvichienzaniswa nenyaya makumi mana nenhatu dzarakatonga muna 2020.

Dare reSupreme Court rakatonga nyaya mazana matanhatu negumi nepfumbamwe (619) gore rapfuura kana zvichienzaniswa nenyaya mazana manomwe nemakumi masere nesere (788) dzayakanzwa muna 2020.

VaMalaba vatiwo nyaya dzakamhan’arwa kuCriminal Court dzakadzikira muna 2021 kana zvichienzaniswa nedzakamhan’arwa muna 2020.

Muna 2021 pane nyaya zviuru makumi manomwe nezvishanu nemazana maviri nemakumi mana neimwe (75 241) dzakakwidzwa kuCriminal Court kana zvichienzaniswa nenyaya zviuru makumi manomwe nezvinomwe nemakumi matatu neimwe (77 031) dzakamhan’arwa muna 2020.

Vati izvi zvinobudia pachena kuti matare ave kufanira kushandisa michina yechizvino zvino kuti nyaya dzirambe dzichimhan’arwa nekutongwa kuyange kunyange nyika iavharwa senzira yekudzivirira Covid-19.

Vati komisheni inoona nezvekushanda kwematare yeJudicial Services Commission, yatove nehurongwa hwekushandisa maICTS kuvandudza mashandiro ematare.

Vati chirongwa ichi chichabatanidza padandemutande matare ese edzimhosva munyika uyewo chichabatanidza matare nemagweta, mapurisa, majeri, National Prosecuting Authority, Attorney General, Zimbabwe Anti-Corruption Commission navose vane chekuita nematare.

Vatiwo izvi zvicharerutsa nekuderedza huwori sezvo zvichirevera kuti zvinhu zvese zvinenge zvave kuitwa pajekerere.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano remagweta munyika, Amai Rumbidzai Matambo, vaudza Studio 7 kuti vanotambira shanduko yave kuunzwa kumatare vachiti zvichaita kuti varambe vachishanda kunyange pakaita dambudziko rinoita kuti matare avharwe.

Izvi zvatsingirwawo nerimwe gweta rekuBulawayo, VaBruce Masamvu, avo vati Zimbabwe yange yakasarira kumashure.

Gweta zvakare vari mudzidzisi wemitemo paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vatiwo kushandisa michina yechizvino zvino mumatare kucharerutsa basa kumagweta nevatongi.

VaMalaba vatiwo zvinhu zvakaoma muna 2021 uye JSC yakarasikirwa nevashandi makumi masere nevasere uye gumi nevasere vari mamajisitireti.

Vati vanhu ava vaichema nenyaya yemihoro iri pasi.

Vati kushomeka kwemari ndirimwe dambudziko rakavakasangana naro muna 2021 uye hurumende inofanira kuvapa mari yakakwana kuitira kuti vasarambe vachipemha kuhurumende nemasangano anoshanda akavimirira.

VaMalaba havana zvavatura pamusoro penyaya yavo yakamutsa mutauro mushure mekunge vawedzerwa nguva pabasa nemutungamiri wenyika zvichitevera kupaswa kweConstitutional Amendment Number 2.

Asi VaMudhuku vati iyi inyaya yakakosha kuye vanoona sekuti VaMalaba dai vataura nyaya iyi nhasi.

Mukuru weHuman Rights NGO Forum, Dr Musa Kikavaudza Studio 7 kuti havana kushamiswa nezvaitwa naVaMalaba zvekusataura pamusoro penyaya yavo vachiti izvi hazvivape chimiro chakanaka.

Zvichakadai matare eHigh Court avhurwa zviri pamutemo kuBulawayo, Mutare neChinhoyi.

Mutevdzeri waVaMalaba, Amai Elizabeth Gwaunza ndivo vavhura kuBulawayo, Justice Rita Makarau vavhura kwaMutare.

Vachitaura kuChinhoyi, mukuru wevatongi vedare reHigh Court, Justice Mary Zimba-Dube, vati dare repamusoro muChinhoyi richanzwa nyaya dzinosvika makumi matanhatu nenhatu kusanganisira nyaya dzekuponda gumi nepfumbamwe.

Justice Dube vati mutongi achanzwa nyaya idzi achapa mutongo wakaringana sezvo pave nevanhu vasiri kukoshesa hupenyu hwevamwe vanhu.

Dare reHigh Court riri kutanga kushanda kuChinhoyi gore rino pasi pechirongwa chekuti dare iri ringe riri mumatungu ese munyika.

Justice Malaba vati JSC yakatodoma mutongi achange achishandira kuChinhoyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG