Accessibility links

Mutambo weChibuku Super Cup Wotarisirwa Zvikuru

  • Michael Kariati

chibuku super cup

Munhabvu muZimbabwe muchange musingadaidzwe anzozwa nemachikichori emitambo arimo mukupera kwesvondo kusanganisira fainari yemukombe weChibuku Super Cup.

Fainari iyi iri muRufaro Stadium neMugovera apo chikwata cheHow Mine chiri kutamba neHarare City.

Harare City ine nhoroondo yakasimba mumukombe uyu mushure mekupinda mufainari muna 2014 apo yakarohwa neFC Platinum, ndokuzotora mukombe uyu muna 2015, apo yakakunda Dynamos 2-1 muNational Sports Stadium.

Mwaka wapera, chikwata ichi chakapinda muma semi fainari umo chakabuditswa ne FC Platinum asi ikozvino chave mufainari zvekare.

Mukuru wekumahofisi echikwata ichi, VaHope Chizuzu, vanoti ivo mukombe uyu ndewavo.

Chivimbo chaVa Chizuzu chiri kuuya pakuti vatambi vavo vakaita saMartin Vengesai, Tendai Samanja, Protasio Kabwe, na Chipangura, vari kurura zvekuti kusvika pavari apa, Harare City yakapunzira pasi Bantu Rovers, Black Rhinos, ndokupedzisira neBulawayo City.

Chikwata chichatora mukombe uyu chinowana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora pamusoro pekumiririra nyika muCaf Confederation Cup.

VaChizuzu vanoti vanoda kudzokera zvekare muAfrica umo vakambotamba vatora Chibuku Super Cup muna 2015.

Asi mukuru wekumahofisi eHow Mine, VaJohn Makoni, vanoti hapasisina kudzokera shure nepavasvika apa vachiti ivo vari kutora mukombe uyu nekumirira nyika muAfrica.

Asi gohwo rekutora Chibuku Super Cup harisi kutanga nekugumira pamukombe, mari yemubairo, nekumirira nyika muAfrica chete.

Chikwata chichatora mukombe uyu chichatamba zvekare nechikwata chichatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League mumutambo weshasha dzenhabvu muZimbabwe, vanokunda mumutambo wacho vachiwana mari inoita iyo zviuru makumi mashanu zvemadhora.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaTafadzwa Mangava, avo vasina kwavakarerekera pazvikwata zviri kusangana mufainari izvi, vanofunga kuti mukombe wakananga kuHow Mine.

Fainari yeChibuku Super Cup iyi iri kutambwa zuva rimwechetero apo chikwata chenyika chemaWarriors, chichange chiri munhandare yeInternational Stadium, muWiendhoek, Namibia, mumutambo wekuedzana masimba nemaBrave Warriors.

Asi neSvondo, mhuri yenhabvu ichange yakaungana muNational Sports Stadium umo vatambi vakaita mukurumbira vachitambira chikwata cheBarcelona vari kusangana nevatambi vemuZimbabwe vakaitawo mukurumbira vachitambira zvikwata zvakasiyana siyana.

Vaimbove vatambi veBarcelona vakaita saEdgar Davids, Deco, Patrick Kluivert, Gaizka Mendietta, Rivaldo, Eric Abidal, na Gianluca Zambrotta, varikutarisirwa kusvika muHarare mangwana, kugadzirira mutambo wavo uyo uriko nesvondo.

Mutambo uyu wanga uchingotaurwa nezvawo svondo rese zvekuti nhandare yeNational Sports Stadium iri kutarisirwa kuti ichange yakazara kuti tashu sezvaive zvakaita pamutambo weBrazil nemaWarriors muna 2010.

Vatambi vakaita mukurumbira muZimbabwe vakaita saPeter Ndlovu, Brenna Msiska, Moses Chunga, Norman Mapeza, Ephraim Chawanda, Benjani Mwaruwari, vachange vari munhandare vachiratidza zvavachiri kukwanisa kuita.

Mutungamiri weZifa, VaPhillip Chiyangwa, vazivisa kuti vari kutarisira kuzoronga mimwe mitambo kuti vaimbotamba muZimbabwe vashanyewo kune dzimwe nyika kunotamba neveko.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG