Accessibility links

Chikwata cheCricket Chokundwa Zvinogumbura

  • Michael Kariati

Chikwata cheChevrons Hachisi Kutamba Zvinofadza

Vatsigiri vekiriketi vari kutemeswa musoro nematambiro echikwata chavo icho chiri kukundwa nguva dzese pangave pamusha kana kunze kwenyika.

Kunyange hazvo mutambo wekiriketi washandura vatungamiri veZimbabwe Cricket, ukasandura zvekare varairidzi pamadiro, hapana chiri kusanduka pakuzvambaradzwa kwechikwata chemaChevrons icho chatarisana zvekare nenjodzi yekutadza kuenda kumakundano e2019 World Cup.

Musi weChipiri, maChevrons akakundwa nevashanyi veWest Indies nemaranzi zana negumi nemanomwe, mumutambo wavo wekutanga wemaTests izvo zvasiya vateveri vechikwata ichi vachidaidzira kuti vatambi varipo pari zvino vakoniwa, vochipawo vamwe vatsva mukana.

Kunyange hazvo Hamilton Masakadza, Graeme Cremer, Brendon Taylor naSean Williams vakakwira muhurongwa hwevatambi hwakabuditswa neveInternational Cricket Council neChitatu, veruzhinji kusanganisira VaKingstone Marange, havasi kufara nematambiro ari kuita maChevrons sechikwata kunyanya pamutambo neWest Indies.

Chikwata ichichatadza kukunda kana mumutambo mumwe chete wemaTests kwemakore maviri apfuura.

Mutsigiri we Manicaland Mountaineers, VaShingirai Miti, vanoti zvave kuvaremera kuenda kunhandare kunoona chikwata ichi chichitamba.

Vatsigiri vemutambo uyu vari kushaiswa mukana wekuona zvikwata zvepamusoro zvekune dzimwe nyika izvo zvisisade kushanya muZimbabwe nekuti hapasisina chavanowana kana kudzidza mukutamba nechikwata cheZimbabwe.

Muongorori wezvemitambo, VaFarai Kambamura, vanoti Zimbabwe yasandura vatungamiri veZimbabwe Cricket, kukauya varairidzi vakawanda vachisiiswa basa, asi zvinhu hazvisi kushanduka zvichireva izvo kuti dambudziko riri pavatambi avo vari kuremerwa nemutambo.

VaMiti vanoti zviri nani kupaza chikwata chiripo kovakwa chimwe.

Mutambo wechipiri wemaChevrons neWest Indies uri kutanga musi weSvondo, apo kaputeni wemachikwata ichi, Graeme Cremer, avimbisa shanduko mumatambiro avo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG