Accessibility links

Breaking News

Muchakabvu Chakaodza Anorangarirwa


Vatori venhau vakurudzirwa kuti vavambe makambani avo senzira yekuti vasimukire muhupenyu sezvo makambani avanoshandira akatarisana nematambudziko nekuda kwemamiriro ezvehupfumi munyika.

Vatori venhau vakurudzirwa kuti vavambe makambani avo senzira yekuti vasimukire muhupenyu sezvo makambani avanoshandira akatarisana nematambudziko nekuda kwemamiriro ezvehupfumi munyika.

Kurudziro iyi yaitwa pamusangano wekucherechedza mabasa akaitwa namuchakabvu, Bornwell Chakaodza.

Mupepeti webepanhau reZimbabwe Independent, VaDumisani Muleya, avo vanga vari munyarikani pagungano raitwa muHarare revanoshanda mune zvenhau rekucherechedza mabasa aVaChakaodza, avo vakashaya mugore ra2012, vati vatori venhau vanofanirwa kugadzira remangwana avo.

VaMuleya vati vatori nevatapi venhau vanofanira kuumba makambani avo kwete kuramba vakatarisa zvinhu zvichioma munyika. Vati izvi zvinobatsira kupedza huori pakati pevashandi ava.

VaMuleya vati vetori venhau vemuZimbabwe vanofanira kutambira muenzaniso wevatori venhau vekuBotswana, avo vave kuzviitira mabhizimusi avo ari kubudirira.

VaMuleya vati hurumende inofanira kutora matanho ekugadzurudza mitemo iri kumbunyikidza vatori venhau pamashandiro avo.

Vachitaurawo pagungano iri, mutungamiri wesangano reGender and Media Connect, Amai Abigail Gamanya, vati zvakakosha kuti madzimai ari mubazi rekutora nhau ashande akatambanukawo sezvakangoita vechirume.

Mukoma waVaChakaodza, avo vataurawo pagungano iri, VaAustin Chakaodza, vati vatapi venhau vanofanira kubata basa ravo pachokwadi vasingatyi.

VaChakaodza vatsigirawo pfungwa yekuti vatori venhau vanofanira kuita mabasa avo vari pachokwadi, vasingatambiri chioko muhomwe, kuitira kuti veruzhinji vave nechivimbo mavari.

VaChakaodza mumwe wevanhu vakavamba sangano reVoluntary Media Council, uye vakashanda semupepeti wenhau ku Herald ne The Standard.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG