Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika Mukucherechedza World Radio Day


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva renhepfenyuro pasi rose, kana kuti World Radio Day, nhepfenyuro yeStudio7 ichirumbidzwa nemabasa akanaka ainoita.

Vachitaura pahurongwa hweWorld Radio Day muHarare, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati hurumende ine chido chekusunungura masaisai munyika.

VaMangwana vapa muenzaniso weStudio7 semucherechedzo wenhepfenyuro inopa vanhu mukana wekuita hurukuro pamwe nekugamuchirana kunyange miono yakasiyana.

VaMangwana vati vakatukwa nemumwe mutauri pane chimwe chirongwa cheStudio7 asi vakati nhepfenyuro iyi yakatsiura mutauri uyu uye ikazokumbira kwavari ruregerero nezvaive zvaitika.

VaMangwana vati nhepfenyuro dzinofanirwa kushandiswa kubatanidza vanhu pamwe nekukurudzira runyararo.

Kunyange hazvo hurumende isati yapa marezenisi kunhepfenyuro dzemunharaunda sezvinotarisirwa nemutemo weBroadcasting Services Act uyo wakaiswa muna 2001, VaMangwana vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichazadzikisa kuvapo kwenhepfenyuro idzi.

Mukuru wenhepfenyuro yeVoice of the People, VaJohn Masuku, vati kushaikwa kwenhepfenyuro dzemunharaunda munyika kuri kumisa kufambira mberi kwebudiriro.

Vatiwo chido chehurumende chinofanirwa kuonekwa nezviito kwete nemashoko chete.

Izvi zvatsigirwawo nasachigaro weMedia Institute of Southern Africa, VaGolden Maunganidze, avo vatiwo kushaikwa kwenhepfenyuro idzi kuri kuita kuti inzwi, kunyanya revagari vekumaruwa, risanzwike.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muZimbabwe Association of Community Radio Stations, VaKudzai Kwangwari, vati havasisina chivimbo nehurumende sezvo nguva nenguva, makurukota akasiyana ehurumende achivimbisa kuzadzikisa mutemo weBroadcasting Services Act, asi pasina chinozobuda.

Mukuru weCommunity Radio Harare, VaGivemore Chipere, vatiwo kunyange hazvo vari kutepfenyura padandemutande, izvi zvinoita kuti vateereri vashandise mari yakawanda zvakanyanya vakati ruzivo rwunofanirwa kuwanikwa nemutengo uri pasi.

Zuva reWorld Radio Day rapembererwa pasi pedingindira rekuti, “Promoting Dialogue,Tolerance and Peace in Zimbabwe.”

VaEzekiel Dlamini, avo vanoshanda kusangano reUNESCO vaudza Studio7 kuti vakashandisa dingindira iri mushure mekuona kuti munzvimbo dzakawanda mune mhirizhonga dzavanofunga kuti dzinogona kupedzwa kana nhepfenyuro dzikapa veruzhinji mukana wekukurukura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG