Accessibility links

Breaking News

Mufaro Mukuru muBulawayo Vanhu Vachifarira Mauto


Protesters gather calling for Zimbabwean President Robert Mugabe to step down, in Harare, Zimbabwe, Nov. 18, 2017.
Protesters gather calling for Zimbabwean President Robert Mugabe to step down, in Harare, Zimbabwe, Nov. 18, 2017.

Kwaita mufaro mukuru muBulawayo apo vanhu vazara mumigwagwa yeguta iri vachifarira mauto.

Mazana nemazana evanhu vapinda mumigwagwa yeBulawayo neMugovera mangwanani vachiratidza rutsigiro rwavo kumauto.

Ukuwo mauto ambotenderera mumigwagwa yeguta nemotokari dzavo vakapfuurawo nepachiumbwa yamushakabvu, Joshua Nkomo, veruzhinji vachivawuchirira nemaoko, kuimba pamwe nekuridza mheterwa.

VaAlex Manyange vati vari kuona zuva ranhasi sezuva rerusununguko.

VaMark Dube vatiwo mutungamiri wenyika anofanirwa kusiya basa nekuti atadza kutonga nyika uye akwegura.

Mumwe mudzimai asina kuda kutaura zita rake ati anotarisira hutongi hutsva huchaita kuti hupfumi hwenyika hugadzirike.

Bishop Sam Chigede veNguva yekupedzisira Apostolic Church vati vanotarisira kuti zvose zvichaitika, zviitike murunyararo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG