Accessibility links

Breaking News

Nzira Dzonanga kuMutambo weCastle Tankard nwMugovera


Vateveri vemitambo vatarisana nemachikichori neMugovera anosanganisira mujawo mukuri wemabhiza weCastle Tankard.

Vateveri vemitambo vatarisana nemachikichori neMugovera emujawo mukuri wemabhiza weCastle Tankard.

Mutambo uyu uri kutora nzvimbo kuBorrowdale Racecourse.

Mabhiza gumi nemana ane mukurumbira achange ari munhandare achirwira mukombe mukuru uyu.

Bhiza riri kunyanyotaurwa nezvaro ndi Flax iro rakabva kuSingapore asi iro vaongorori vezvemutambo uyu vari kuti richatora mukombe.

Mutasvi wemabhiza kuBorrowdale Raceourse, VaTapuwa Manxusa, vanoti mushure mekukunda mumijaho minomwe kuSingapore, vari kuona Flax isina anokwikwidza naro mumujaho uyu.

Mamwe mabhiza achange achirwira mukombe uyu une madhora zviuru makumi matatu, ndi Equina, iro rakatora mukombe uyu muna 2014, Lucky Sam, Eurakilon, Silva Hawk, Rock The Country, Print The Pounds, Mathematician, Fah Free, Pacifica pamwe Windigo.

Mujaho uyu une bhiza rimwe chete chete remuZimbabwe, Tallie Two, iro rinorairidzwa naMuzvare Penny Fisher.

Mumitambo yenhabvu, chikwata cheFC Platinum ndicho charatidza kuti chakabaka moto gore rino nekutora mapoinzi ese gumi nemaviri pamitambo mina zvekuti vamwewo vakaita saVa Jonas Murungweni vatove kutaura kuti Kugona Kunenge Kudada ndiyo ichatora mukombe.

Chikwata ichi chakasiya Caps United nemaponzi maviri zvekuti chingangowedzera hutungamiri hwacho sezvo chiri pamusha apo chiri kusangana nechikwata chisiri kunyatsotamba zvakanaka cheHarare City

Asi murairidzi wemaSunshine City Boys, Taurayi Mangwiro, haasi kutya kubvira moto kuri kuita maMoney Bags achiti iye haasi kuona chinovatadzisa kukunda.

Zvakamira zvakadai, chikwata cheCaps United chiri kutarisa kuramba chichifemera FC Platinum mugotsi apo chiri kusangana neBorder Strikers iyo iri kutambura munyaya dzemari nemunhandare zvekare.

Vateveri veCaps United vachiri kupemberera kukunda kwavakaita Dynamos 1-0 svondo rapera asi muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaMisheck Chisaga, vari kuyambira maGreen Machine kuti kufarisa uku kungangopera vakadheerera Border Strikers.

Panguva imwe cheteyo, Dynamos yakananga kuColliery uko iri kunosangana neHwange iyo yakatsamwa zvikuru mushure mekurohwa 4-1 neHarare City svondo rapera.

Paolo Jorge Silva uyo aitarisirwa kudzingwa svondo rapera achiri pabasa asi vanotungamira chikwata ichi vanoti vachaongorora nyaya yebasa rake kana mutambo weChipangano wapera.

Chicken Inn iyo iri kupesana nemurairdzi wayo, Joey Antipas, uyo ari kuenda kuAmazulu kuSouth Africa, musi wa I Chikunguru ine mutoro wakati omeyi apo iri kusangana neBulawayo City iyo iri kumira mira mushure mekupinda muPSL gore rino.

Highlanders iyo iri kumbobaka moto odzima iri pamusha neChapungu panguva iyo vavakidzani vavo veHow Mine vakananga kuSakubva Stadium kunosangana neMutare City Rovers.

Platinum Stars ndiyo ichavhara musangano yemitambo muPSL.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG