Accessibility links

Breaking News

ZPC Kariba Yotungamira Zvikwata zvemuCastle Premier Soccer League


ZPC Kariba ndiyo iri pamusoro nemapoinzi makumi mana. (Photo: PSL)

Chikwata chisina mukurumbira wakanyanya cheZPC Kariba ndicho chave pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League. Michael Kariati anotitaurira kuti izvi zvauya sei ?

Chikwata ichi chave nemapoinzi makumi mana, poindi imwechete pamusoro peFC Platinum iyo yaive isina mutambo munyika nemhaka yemakundano eCaf Champions League.

Izvi zvinotevera mangange e1-1 akaita ZPC Kariba nevaenzi vayo veDynamos, izvo zvasiya yapinda panhongonya kechipiri mwaka uno.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti nhabvu yasanduka mazuva ano zvekuti hazvivashamise kana ZPC Kariba ikatora mukombe weligi uyu.

Asi hutungamiri hweZPC Kariba hungangosvika kumagumo neChitatu kana maGreen Machine eCaps United akarova Harare City.

Pari zvino Caps United ine mapoinzi makumi matatu nemasere, zvichireva kuti yakakunda inopinda mumapoinzi makumi mana nerimwechete, poindi imwe chete pamusoro peZPC kariba.

Mumwe mutsigiri weCaps United, VaShame Muchenje, vanoti maGreen Machine achange ari pamusoro pachapera mutambo wavo neChitatu.

Chicken Inn, iyo yakaenzana maponzi neCaps United, yakatambisa mukana wekuenda pamusoro petafura apo yakarohwa 2-0 neManica Diamonds.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi...

Highlanders 0 Hwange 0

Mushowani Stars 2 Chapungu 1

TelOne 1 Ngezi Platinum Stars 0

Kwatamba mitambo makumi maviri nemitatu, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi..

ZPC Kariba 40 points

FC Platinum 39 points

Chicken Inn 38 points

Caps United 38 points.

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi…

TelOne 24 points

Herentals 23 points

Bulawayo Chiefs 18 points

Yadah 17 points

Mumitambo yemuAfrica, FC Platinum yakarova UD Songo yekuMozambique 1-0 mumutambo weCaf Champions League, Triangle ndokushanyawo kuTanzania uko yakanodambura Azam 1-0 zvekare mumutambo weCaf Confederation Cup.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG