Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu yeMwaka Uno Inotanga Vatsigiri Vashoma Vachienda kuDzinhandare


Vatsigiri vemutambo wenhabvu vanonzi vari kupokana nemari dziri kubhadhariswa pamagedhe kuti vapinde kunoona mitambo.

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League emwaka uno asimuka zvine mutsindo neMugovera asi mudzinhandare muine vatsigiri vashoma-shoma.

Mitambo yasimuka zvine mutsindo kumativi mana ese enyika vamwe vachifara vakunda, asi vamwe vachichema vatorerwa mapoinzi ese matatu.

Chikwata chine mukombe uyu che FC Platinum chasimudza mutambo wacho nemapoinzi ese matatu mushure mekuzvindikita Tenax 6-1 muMandava Stadium.

VeNgezi Platinum Stars vanaisawo zvibodzwa nekurakasha Bulawayo City 5-0 muBaobab Stadium.

Zuva ranhasi ranga riine mitambo mishanu yePSL muBulawayo, Harare, Kariba, Mhondoro-Ngezi, neZvishavane,

Asi mashoko atawana kune vanga vari mumitambo iyi anoti mudzinhandare umu manga muine vatsigiri vashoma-shoma, vakawanda vacho vagara kumba nemhaka yekudhura kwemari dzekuri[pira kunoona mitambo.

Vateveri venhabvu vari kubvisiswa madhora gumi kuona mitambo yePSL, mari iyo vanoti yakawandisa

Muongorori wemutambo wenhabvu VaTawanda Tafirenyika vanoti mutambo pakati peBlack Rhinos neHighlanders muNational Sports Stadium wanga uine vanhu vasingasvike makumi matatu.

Vanga vari muNyamhunga Stadium pamutambo weCaps United neZPC Kariba vanoti vanhu vanga vari munhandare iyi vanga vasingasvike zana.

Izvi munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJosesh Mutawu vanoti zvakonzereswa nekuramba kwePSL kudzikisa mari yemubhadharo yepamagedhe.

Mumwe wevanga vari mumutambo weCaps United neZPC Kariba ndi Lloyd Chitembwe uyo ari kutarisirwa kutora basa remurairidzi weMakepekepe, zvichitevera kudzingwa kwaDarlington Dodo.

Iyo Makepekepe yaita mangange 0-0 neZPC Kariba.

Mitambo yekutanga kwemwaka iyi yanakidza zvikuru, Black Rhinos ndokutora mapoinzi ese matatu mushure mekurova Highlanders 2-0, Chicken Inn ndokukundawo Cranbourne Bullets 1-0

Mitambo yeligi iri kuenderera mberi mangwana paine mitambo mitatu muHarare, Bulawayo, neMutare.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG