Accessibility links

Breaking News

Dynamos neNgezi Platinum Stars Dzotashurana neMugovera


Kuchange kune makuwere mukupera kwesvondo apo zvikwata zvichatashurana mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League.

NeMugovera muBaobab Stadium muchange mune mutambo mukuru wenhabvu pakati peNgezi Platinum Stars neDynamos idzo dzakatsomana muhurongwa hwekurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Pari zvino, Dynamos iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi makumi mashanu nemasere, pasi peFC Platinum, asi yakasiyawo Ngezi Platinum Stars nepoindi imwe chete zvekuti chikwata chinotswedza muBaobab Stadium mangwana chinosara zvikuru muhondo yekutora mukombe uyu.

Vatsigiri veDembare vanoti vari kuenda kuMhondoro Ngezi zvekuti nhandare yeBaobab iyi ichange yakazara kuti tashu.

Mutambo uyu uri kukurumidza kutanga kuitira kupa vachafamba kubva kumativi mana ese enyika nguva yekudzokera kudzimba dzavo kuchakachena.

Mumwe mutsigiri veDembare, VaPoncent Mhondiwa, vanoti vachange varimo muBaobab.

Asi Muzvare Ropafadzo Musemburi, avo vanotsigira Madamburo, vanoti hapasisina kudzokera shure nepavasvika apa vachiti ivo kunyange Dynamos haikwanise kumisa chitima chavo kunotora mukombe.

Chicken Inn iri kunanga kuNyamhunga Stadium kunobandana neZPC Kariba iyo iri pachinzvimbo chechisere.

Pane imwe nguva maGame Cocks aitariswa sechimwe chikwata chingangotora mukombe uyu asi mukufamba kwemazuva chikwata ichi changa chichidonhedza mapoinzi zvekuti vashoma vanofunga kuti chinonotora mapoinzi ese matatu kuKariba.

Highlanders, iyo yakatamba zvinodakadza, asi ndokuzokundwa neCaps United, ichange iri pamusha neSvondo neBlack Rhinos.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Yadah v How Mine

Bulawayo City v Chapungu

Tsholotsho Pirates v Bantu

Shabanie v Triangle

Caps United v Hwange

Totarisa mitambo yeEnglish Premier League:

Hapana anopikisa kuti mutambo mukuru mugungano iri ndeuyo uri kuOld Trafford umo chikwata chiri kurura cheTottenham chiri kushanyira Manchester United mumutambo wanga uchingotaurwa nezvawo svondo rese.

Zvikwata zviviri izvi zvakaenzana pamapoinzi makumi maviri, zvichitevera Manchester City, asi pakupera kwemutambo mangwana chimwe chacho chinenge chasara.

Asi zvikwata izvi zviri kupinda mumutambo uyu zviine nhoroondo yakati siyanei.

Tottenham yakarohwa 3-2 neWest Ham, Manchester United ikanorova Watford 2-0 mumitambo yeLeague Cup.

Manchester City, iyo iri pamusoro soro nemapoinzi mashanu, haina dambudziko rakanyanya apo yakananga ku The Hawthorns kunotamba neWest Brom iyo iri kutatarika.

Mimwe mitambo iriko ndeiyi:

Arsenal v Swansea

Bournemouth v Chelsea

Liverpool v Huddersfield

Crystal Palace v West Ham

Brighton v Southampton

Leicester v Everton

Burnley v Newcastle

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG