Accessibility links

Ngezi Platinum Stars Yoramba Iri Pamusoro peCastle Lager Premier League

  • Michael Kariati

Castle Lager Premier Soccer League

Zvikwata zvina zvese zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League zvakakunda mumitambo yazvo zvichisiya pasina shanduko muhurongwa hwetafura yemakundano aya.

Chikwata cheNgezi Platinum Stars kana kuti Madamburo charamba kusuduruka kubva pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kushanya kwavakaita ndokunokunda Bantu Rovers 1-0 muLuveve Stadium neSvondo.

Chibodzwa chakabva kuna Donald Teguru chakapa Madamburo mapoinzi ese matatu ndokupinda mumapoinzi makumi matanhatu nematatu kwasara mitambo mitatu chete kuti makundano aya asvike kumagumo.

Madamburo achiri akaenzana pamapoinzi neFC Platinum iyo yakazvambura ZPC Kariba 3-0 muMundava Stadium neMugovera nezvibodzwa zviviri zvakakandwa naCharles Sibanda nechimwe chakabva kuna Mkhokeli Dube.

Ngezi Platinum neFC Platinum dzine mapoinzi maviri pamusoro peDynamos zvekuti mumwe muteveri wenhabvu, VaTatenda Makazhu, vanofunga kuti ikozvino yave nguva yaNorman Mapeza neKugona Kunenge Kudada yekutora mukombe uyu mushure mekungopedza vari pachinhanho chechipiri makore apfuura.

Asi Dynamos haisi kure kure nemukombe mushure mekurova Chapungu 1-0 muNational Sports Stadium neSvondo, izvo zvavapinza pamapoinzi makumi matanhatu nerimwechete.

Vatsigiri veDembare vari kutenda Quality Kangadze uyo akakanda chibodzwa chakavapa mapoinzi aya mumutambo wanga wakaoma zvikuru.

Murairidzi wechikwata ichi, Lloyd Mutasa, anobvuma kuti zvanga zvisiri nyore kubuda nemapoinzi ese pamutambo nechikwata cheAirforce of Zimbabwe yekuGweru ichi.

Dynamos ine mutoro mukuru kuedza kudarika Ngezi Platinum neFC Platinum tichitarisa mitambo mishoma shoma yasara.

Asi mumwe muteveri mukuru weDembare, VaBen Makorori, vanoti Dynamos yajaira kutamba iri pakamanikidzika sepavakamira pari zvino vachiti ivo pakugumisira Dembare ndiyo ichatora mukombe.

Pamusoro pekurwisana neNgezi pamwe neFC Platinum, Dynamos iri kufemerwa mugotsi neChicken Inn iyo yave nemapoinzi makumi mashanu nemapfumbamwe mushure mekurova Tsholotsho Pirates 1-0 iyo yakabva yabuda muPremier Soccer League nekukundwa uku.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi:

How Mine 0 Caps United 1

Yadah 2 Bulawayo City 0

Hwange 3 Highlanders 0

Triangle 2 Harare City 1

Black Rhinos 1 Shabanie 1

Kwasara mitambo mitatu, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi:

Ngezi Platinum Stars 63 points

FC Platinum 63 points

Dynamos 61 points

Chicken Inn 59 points.

Zvichitevera kubuda kweBantu Rovers neTsholotsho Pirates, zvimwe zvikwata zvatarisana nenjodzi yekunotamba nhabvu yepasi pasi mwaka unouya ndeizvi:

Black Rhinos 39 points

Yadah 37 points

Harare City 35 points

Bulawayo City 35 points

Hwange 34 points.

Shabanie 33 points.

Zvikwata zviviri kubva pazvikwata zvitanhatu izvi ndizvo zvichaenda kuDivision One.

Mitambo yeEnglish Premier League yaiveko yakafamba seizvi:

Chelsea 1 Man U 0

Man City 3 Arsenal 1

Tottenham 1 Crystal Palace 0

West Ham 1 Liverpool 4

Southampton 0 Burnley 1

Newcastle 0 Bournemouth 1

Swansea 0 Brighton 0

Everton 3 Watford 2

Stoke 2 Leicester 2

Huddersfield 1 West Brom 1

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG