Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Maonero paNyaya yeKudhura kweZvinhu


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe

Vakuru vemabhizimisi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi havasi kuwirirana panyaya yekuti dambudziko rekushomeka kwezvinhu muzvitoro uye kudhura kwazvo riri kukonzerwa nei.

Vamwe vanoti zviri kukonzerwa nevanhu vakangovhunduka ndokutanga kututa zvinhu vachiisa mumatura.

Asi vamwe vanoti mashoko aya manyautsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakadzoka munyika nemusi weMuvhuro, vakaudza vatsigiri vavo kuti pane vanhu vari kuda kupidigura hurumende yavo uye vanhu ava ndivo vari kuita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

VaMugabe vakati dambudziko iri rinokwanisa kugadziriswa mumazuva maviri.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti vanhu vari kungomhanyirira kuhodha zvinhu vachiisa mumba ndivo vari kupa kuti zvinhu zvishaikwe.

VaJabangwe vatiwo zvinokwanisika kuti dambudziko iri rigadzirike nechimbi chimbi sezvo bhanga guru renyika rakawana chikwereti kubva kubanga reAfriexim Bank.

VaJabangwe vatiwo nyaya yekuti musika wefodya wakavharwa pari zvino iri kupawo kuti pamboita dambudziko.

Asi sangano reOil Expressers Association of Zimbabwe, iro rinogadzira mafuta ekubikisa, rinoti dambudziko iri riri kukonzerwa nekuti mari yavari kupihwa neReserve Bank of Zimbabwe kuti vatenge zvinodiwa kusvina mafuta ishoma zvikuru.

Sangano iri rinoti rakwereta mari yakawandisa kumakambani ekunze uye havachadi kupa nhengo dzavo zvikwereti.

Vaimbova gurukota rezvemari vachitungamira bato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo.

VaBiti vanoti nyika haina mari yekunze inodiwa kutenga zvinhu nekudaro zviri kuitika izvi hazvishamise.

VaBiti vatiwo zvakakosha kuti varombo nevari pamudyandigere vachengeterwe mari dzavo dziri mumabhanga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari muzvinabhizimisi, VaCalisto Jokonya, vanoti Zimbabwe haingakwanise kugadzirisa hupfumi kana isiri kugadzira zvinhu.

VaJokonya vatiwo nyaya yehuwori ndiyo yapawo kuti zvinhu zvisamire zvakanaka.

Zvinhuwo hazvina kumira zvakanaka pakushandiswa kwema bond note sezvo mari iyi iri kuramba ichishaya simba.

Vamwe vanhu vari kutyira kuti Zimbabwe inogona kudzokera kumakore a 2008 apo mitengo yezvinhu yakakwira zvisina mukare akamboona uye ma bearer checks achishaya simba.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG