Accessibility links

Breaking News

Caps United ne Ngezi Platinum Stars Dzosimudza Mureza weZimbabwe muCaf


Caps United
Caps United

Zvikwata zvemuZimbabwe zvatanga makundano azvo emuAfrica egore rino zvinofadza.

Chikwata cheCaps United ne Ngezi Platinum Stars zvatanga makundano azvo emuAfrica zvinodakadza mushure mekuita mangange kunze kwemusha mumitambo yavo yekutanga, izvo zvavasiya vaine mukana wakasimba wekuenderera mberi nemakwikwi aya.

Vateveri veCaps United varikufara zvikuru mushure mekunge maGreen Machine akaita 0-0 neLioli yekuLesotho mumutambo weCaf Champions League, vachiti ivo mangange aya atovaisa munharaunda inotevera.

VaJaphet Mhombera vanoti Lioli ichabanzurwa zvakaipa apo iri kushanya muNational Sports Stadium mumutambo wavo wechipiri svondo rino.

Mumwe muteveri wechikwata ichi, VaWalter Nyanisi, vanoti vari kufara zvikuru nezvakaitika vachiti ivo vari kutarisira kufarisisa apo Makepekepe achabvarura Lioli muHarare.

Caps United iri kuda kungokunda Lioli 1-0 chete muNational Sports Stadium kuti ipinde munharaunda inotevera iyo vakatarisirwa kusangana neTP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo.

VaTakawira Mthombeni vanoti havachatarisa zveLioli vachiti ivo vatove kurota vachidambura TP Mazembe iyo yakambotora mukombe wemuAfrica uyu katatu.

Zvakamira zvakadai, Ngezi Platinum Stars yakaitawo zvekare mangange 1-1 nePamplemosses yekuMauritius mumutambo wavo weCaf Confederation Cup.

Ngezi Platinum Stars iri kungoda kukunda kana kuita mangange e 0-0 kuti ikwanise kuenderera mberi, izvo zviri kuratidza kuti zvinokwanisika pamberi pevatsigiri vavo.

Mutambi weNgezi Platinum Stars, Donald Teguru, anoti chinangwa chavo ndechekutora mukombe weCaf Confederation Cup sezvakaitwa neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa gore rapera apo yakatora mukombe weCaf Champions League pasina aifungira.

Caps United neNgezi Platinum Stars dziri kutarisira zvekare kusvika kana kudarika zvakaitwa neDynamos iyo yakasvika mufainari yeCaf Champions League muna 1998.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG