WASHINGTON —
Caps United inoti iri kupikisa chirango chayakatongerwa nesangano rePremier Soccer League chekuti ibhadhare mari nekuti vatsigiri vayo vakaita mhirizhonga pamutambo wayo neDynamos mavhiki matatu apfuura.
Gungano rePremier Soccer League rakabhadharisa Caps United neDynamos mari inosvika zviuru zvisere nenyaya zvemadhora nenyaya yemhirizhonga yakaitika pamutambo weCastle Premier Soccer League. Dynamos yakakunda Caps 1-0 pamutambo uyu.
Mukuru wePSL VaKennedy Ndebele vanoti ongororo yavo inoratidza kuti vatsigiri vezvikwata izvi vose vakaita mhirizhonga.
Chief Executive Officer veCaps United vaJoe Makuvire vanoti havatenderane nechirango ichi. Vanoti havana kana kudaidzwa kudare kuti vapewo divi ravo panyaya yavari kupomerwa uye vanoti Dynamos ndiyo ingatonzi ine mhosva nekuti yaitambira munhandare yayo uye yaifanira kuona kuti yaunza mapurisa anodzivirira mhirizhonga.
VaMakuvire vanoti chirango che PSL ichi chirikufakatyamadza sezvo sangano iri richiziva matambudziko arikusangana nechikwata chavo panyaya dzemari.