Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheGomarara Chorwadza Vakawanda kuMaruwa


Magwaro akabudiswa ne Zimbabwe Cancer Registry mukupera kwegore ra2015 anoratidza kuti chirwere chegomarara chiri kuramba chichidzika midzi muZimbabwe sezvo chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika, zvikuru kumaruwa.

Magwaro akabudiswa ne Zimbabwe Cancer Registry mukupera kwegore ra2015 anoratidza kuti chirwere chegomarara chiri kuramba chichidzika midzi muZimbabwe sezvo chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika, zvikuru kumaruwa.

Kunyange hazvo vehutano vachibudisa pachena kuti chirwerwe chegomarara ndechimwe chezvirwere zviri kukonzera kufa kwevakawanda munyika, zvipatara zvizhinji munyika, kunyanya zvekumaruwa hazvina vanoongorora chirwere chegomarara kana kurapa chirwere ichi.

Chirwere chegomarara chinorapika kana chikange chakabatwa chisati chakomba.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere ichi chinobata pangengo dzese dzemuviri, uye hachina rusarura pavarume kana vakadzi, kusanganisira vana vadiki nevanhu vakuru.

Amai Erica Nhapi mugari wemuMwanza mudunhu reGoromonzi. Amai Nhapi vanoti mumaruwa avo vanhu vazhinji vari kufa nechirwere chegomarara sezvo vachinonoka kuonekwa kuti vane chirwere ichi.

Amai Nhapi vanoti kubva mumusha wavo munhu anenge achida madhora matanhatu kuenda nekudzoka kuchipatara cheMurehwa chinova ndicho chipatara chiri pedyo navo chinoongorora chirwere chegomarara.

Amai Nhapi vanoti pamusoro pemari yakawanda inodikanwa kuti munhu aende kuchipatara kwaMurehwa, pane nguva huru pakati pekunyoresa kuti munhu avhenekwe nepaunozotariswa pacho nemishina.

Muvakidzani waAmai Nhapi, Amai Anna Takaendesa, vanochemawo negomarara rechibereko ranetsa madzimai.

Amai Takaendesa vanoti hurumende ikasatsvaka mari yekuti chirwerwe chegomarara chiongororwe muzvipatara zvese zviri mynyika, vanhukadzi vakawanda vacharamba vachirasikirwa nehupenyu hwavo.

Nyanzvi dzezvehutano dzinoti nekushomeka kwenzvimbo dzinoongorora chirwere chegomarara pamwe nekuti kana munhu abatwa chirwere ichi panodiwa mari yakawandisa kuti arapwe, veruzhinji vari kubatwa nechirwere chegomarara vacharamba vachifa.

VeCancer Registry vanoti veruzhinji vari kuzoziva kuti vane chirwere ichi panguva iyo chinenge chapararira uye chakonba zvekusarapika. Sangano iri rinotiwo vamwe vanotadza kubvisa mari dzinodiwa kuti varapwe kana vachinge vabatwa.

Hapasati pava neruzivo rehuwandu hwevanhu vagere kumaruwa vane chirwere ichi.

Gomarara rinonzi ranyanyouraya muZimbabwe igomarara rechibereko rinobata vanhukadzi, gomarara repazamu pamwe neprostate cancer kuvanhurume.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende kuti zvichatora nguva yakareba sei kuti zvipatara kunyanya zvemumaruwa zvikwanisewo kuve nenyanzvi pamwe nezvinodikananwa mukuongorora gomarara pamwe nekurirapa.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemari yenyika izvo zvichaita kuti hurumende itadze kuwanira munhu wese hutano hwakanaka kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richikomekedza kuti munhu wese anofanirwa kuva nehutano hwakanaka.

Kudzamara hurumende yoremekedza bumbiro remitemo inotara nyaya dzehutano, vakawanda vagere kumaruwa vakaita saAmai Nhapi nemamwe madzimai ari mumativi mana enyika, vacharamba vachichema vachirasikirwa nehama dzavo dzinenge dzatorwa nechirwere chinorapika.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG