Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Mune zveHutano Yokurudzi Vanhu Kuti Vavhenekwe Kana Vaine Gomarara


Mwedzi uno waGumiguru mwedzi wekuyechidzana nezvechirwere chegomarara remazamu pamwe negumarara rechiropa.
Mwedzi uno waGumiguru mwedzi wekuyechidzana nezvechirwere chegomarara remazamu pamwe negumarara rechiropa.

Mwedzi waGumiguru ndiwo mwedzi wekuyeuchidzana pamusoro pegomarara remumazamu, kana kuti breast cancer, pamwechete negomarara rechiropa, kana kuti liver cancer.

Pasi rose rinocherechedza mwedzi uyu nekuyeuchidzana senzira yekuti vanhu vaende kunovhenekwa magomarara aya nguva ichiripo, uye kuti vanenge vaine gomarara varapwe pachine nguva.

Sangano rinoita tsvakiridzo pamusoro pegomarara pasi rose, re World Cancer Research Fund rinoti Zimbabwe ndeimwe yenyika dzemuAfrica dzine huwandu hwevanhu vari kufa negomarara.

Sangano iri rakaisa Zimbabwe pachinhanho cehichina panyika makumi maviri, Swaziland iri iyo iri pamusoro.

Nyanzvi mune zvehutano vachishanda kukambani yavo yeDoc BC Medical Services, Doctor Brighton Chireka vanoti chinhu chakakosha kuti vanhu vaongororwe kana kuvhenekwa zvirwere zvegomarara nguva nenguva, kuitira kuti kana vakabatwa vaine zvirwere vakasike kurapwa.

Doctor Chireka vanoti zvakakoshawo kuti vanhu vadzivirire kubatwa nemagomarara kuburikidza nekusanwa doro, kusaputa fodya, kudya chikafu chinovaka muviri, uyewo kutamura miviri yavo kwemaminitsi makumi matatu kashanu pasvondo.

Panyaya yekuti hurumende vanoona iine chido here chekurwisana negomarara, Doctor Chireka vanoti havafungi kudaro sezvo muzvipatara zvehurumende musina michina yekuti vanhu vavhenekwe gomarara.

Hurukuro naDoctor Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG