Mamwe madzimai ekuHurungwe mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kuwana hutano hwakakwana sezvo vachifamba mitunhu yakareba kuenda kumakiriniki nezvipatara.
Vachitaura panzvimbo yeKasimure kuHurungwe, apo panga pachitariswa madzimai kuti vane gomarara repamuromo wechibereko here, Amai Bertha Zhou vanoti madzimai akawanda ari kufa negomarara rechibereko kumamisha sezvo vasina mari dzekufambisa kuenda kunorapwa.
Amai Zhou, avo vatariswa chibereko chavo icho changa chichivarwadza kwemakore matatu, vanoti zvirongwa zvakadai zvinofanirwa kuenda pazvikoro zviri pedyo nevanhu kwete kunzvimbo dzinokwirwa mabazi.
Mumwe mudzimai atariswa nhasi, Amai Talent Katora, vanogara mumusha maVaNyarenda, vanoti vanonzwa kurwadziwa pasi peguvhu ravo izvo zvaita kuti vade kutariswa kuti vane gomarara repamuromo wechibereko here.
Amai Katora vanoti vadzidzawo kuti mudzimai akapfeka mishonga yekudzora nhengo yesikarudzi yemudzimai mukana wekubatwa negomarara repamuromo wechibereko unenge wakakura.
Mumwe mudzimai, Amai Maudi Sengwe, vanoti kunyange vakambotariswa gomarara makore maviri apera vatariswa zvakare nhasi vachiti vanoda kuve nechokwadi kuti havana kubata chirwere ichi mumakore maviri apfuura.
Chirongwa chaitwa nhasi chekutarisa kana madzimai anegomarara, chaitwa nebazi rezvehutano, vakabatana nePopulation Services pamwe neNational Aids Council avo vari kuchecheudza varume munzvimbo dzavari kufamba.
Parizvino vasvika nzvimbo dzinoti Batwa, Mauya neKasimure, mangwana vanenge vari kuMagunje vozopedzisira neChirundu neMugovera.
Facebook Forum