Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokanzura Sarudzo Dzose Dzanga Dzichifanirwa Kuitwa Gore Rino Risati Rapera


Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018
Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018

Hurumende yazivisa kuti hakuna sarudzo dzichaitwa panguva iyo chirwere cheCovid 19 chinenge chichiri kunetsa munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, zvakare vari gurukota rinoona nezvehutano, VaConstantine Chiwenga, vazivisa izvi mugwaro reGovernmentt Gazette raburitswa neChishanu.

Muna Kurume gore rino, hurumende yatara denda reCovid-19 sedambudziko renyika yese sezvo chirwere ichi change chave kubata nekuuraya vanhu vakawanda muZimbabwe nepasi rose.

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira, mutemo uyu uchipo

Kune sarudzo dze by-elections dzakawanda dzange dziri kuratarisiwa kuitwa munyika zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance muparamende nemakanzuru neMDC-T iri kufanotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Kune dzimwe sarudzo dzange dzichifanira kuitwa zvichitevera kushaya kwevamwe vamiriri venzvimbo idzi.

Asi mutemo waburitswa nhasi wave kureva kuti sarudzo idzi hadzichaitwa.

Sachigaro werimwe remasangano anoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, varatidza kusafara nezvaitwa nehurumende vachiti izvi zvinonyima veruzhinji mukana wekusarudzo vatungamiriri vavanoda.

VaMakoni vaudza Studio 7 kuti havagutsikani nechikonzero chehurumende vachiti semaonero avo sarudzo dzinogona kuitwa sezvo nyika yave kuvhurwa zvekare uye paramende yacho iri kuita basa rayo mazuva ose.

Bato reMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rati zvaitwa nehurumende izvi zvinorinyima mukana wekudzorera muparamende nemumakanzuru nhengo dzaro dzakadzingwa neMDC yaMuzvare Khupe.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatzywayo, vaudza Studio7 kuti yasvika nguva yekuti vanhu vasimuke kuti vamiririrwe nevanhu vavakasarudza.

Asi munyori mukuru muMDC- T, VaDouglas Mwonzora, vati Covid-19 idenda rabata nekuuraya vanhu vakawanda nekudaro vanotambirwa zvataurwa nehurumende sezvo zvine chinangwa chekuchengetedza veruzhinji munyika.

Izvi zvatsinhirwawo nemushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemshoko mubato reZanu PF, VaTafazdwa Mugwadi.

VaMugwadi vati kuita sarudzo panguva ino kunogona kukonzeera kupararira kweCovid-19 sezvo mapato ezvematongerwo enyika achizoita misangano yekutsvaga rutsigiro izvo zvinogona kupinza veruzhinji munyatwa.

Pane nhengo dzeparamende dzinodarika makumi mana dzeMDC Alliance dzakadzingwa muparamende neMDC – T, kozotiwo dzimwe dzakafa nedzimwe dzakadzingwa muZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG