Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheFC Platinum Chotarisana neMutambo Ucharatidza Kwachakananga muMakwikwi eCAF


Murairidzi wechikwata cheFC Platinum Norman Mapeza anofanirwa kutosunga dzisimbe pamutambo wavo neAC Horoya.
Murairidzi wechikwata cheFC Platinum Norman Mapeza anofanirwa kutosunga dzisimbe pamutambo wavo neAC Horoya.

Chikwata cheFC Platinum chatarisana nekukunda kana kunyura mumakwikwi eCaf Champions League apo chiri kusangana ne AC Horoya yeku Guinea neChipiri.

Kukundwa kwevakomana ve “Pure Platinum Stars” kunovasiya vabuda mumakwikwi aya asi vateveri vechikwata ichi vari kuramba kuti hupenyu hwavo mumakwikwi aya hwasvika kwamvura yacheka makumbo.

Pari zvino, “Kugona Kunenge Kudada” ndiyo iri pasi-pasi mugungano iri iine poindi imwe chete, mapoinzi mana pasi peOrlando Pirates yekuSouth Africa ne Esperance yeku Tunisia, uyezve mapoinzi matatu pasi pe AC Horoya.

Asi mumwe muteveri wechikwata ichi VaFarai Chimoto vari kutarisira kuti chikwata chavo chichakunda kuti chirambe chiri mumakundano aya.

FC Platinum yakarohwa 1-0 neHoroya muBabourfields Stadium, asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu VaOliver Musongoro vanoti iye zvino, mutambo uyu unoita mangange.

Asi VaPetros Siluma vanoti hapana chinotadzisa FC Platinum kukunda kana AC Horoya yacho yakatora mapoinzi ese matatu muBulawayo.

Nemusi weChipiri wakare, Orlando Pirates iri kusangana neEsperance muTunis. Pakatamba zvikwata izvi kuSouth Africa zvakaita mangange 0-0.

Yakabva kuGuinea, FC Platinum iri kushanya kuOrlando Pirates ichizogumisira neEsperance pamusha.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG