Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichabvisa Varimi Mazana Mashanu Mumapurazi Mavakazvigarisa


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Dare remakurukota rinoti rabvumirana kuti varimi vanodarika mazana mashanu vabviswe mumapurazi avakazvigarisa zvisiri pamutemo panguva iyo dare iri radoma zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti vatungamire zvakare nhaurirano pakati pehurumende nanachiremba avo vari kuramwa mabasa.

Vachitaura nevatori venhau vichitevera musangano wedare remakurukota ehurumende wakaitwa neChipiri uyo waiva musangano wekupedzisira wegore rino wedare iri, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati dare remakurukota rakabvumirana kuti varimi ava vabve mumapurazi avakazvigarisa zviri kunze kwemutemo paiitwa chirongwa chekugovera vanhu vatema minda.

Izvi zvatsinhirwa negurukota rinoona nezvekurima pamwe nekugariswa kwevanhu patsva, VaPerrance Shiri.

VaShiri vati sehurumende havana kwekuendesa varimi ava kana vachinge vavabvisa muminda yavari kurima vari parizvino.

Danho riri kuda kutorwa nehurmende rashorwa neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Munyori mukuru mubato iri, VaDouglas Mwonzora, vati zviri kuitwa nehurumende izvi zvinobuditsa pachena kuti chirongwa chehurumende chekugarisa vanhu patsva chakaitwa zvisina kurongeka.

VaMwonzora vati chingadai chaitwa nehurumende kutorera mapurazi vakuru-vakuru muhurumende avo vane mapurazi anodarika rimwe chete pamunhu ega-ega.

Kunyange mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakataura pavakatora masimba kubva kune vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gore rapera kuti munhu ega-ega anofanira kuva nepurazi rimwe chete, hapana chati chaitwa kusvika parizvino.

Amai Mutsvangwa vazivisawo kuti dare remakurukota rakabvumirana kuti VaChiwenga vatungamire nhaurirano pakati pehurumende nanachiremba vari kuramwa mabasa vachida kukwedzerwa mari uye kuti vatambiriswe mari yekunze.

Pakamboramwiwa basa vana mukoti, VaChiwenga vakazivisa kuti ana mukoti vese vairamwa mabasa vainge vadzingwa pabasa izvo zvakavashoresa nevakawanda kuti vaiita zvinhu pachisoja pazvinhu zvinoda nhaurirano.

Amai Mutsvangwa vatiwo dare ravo rakatambira bhiri richange richibata mafambisirwo anoitwa mashoko padandemutande kana kuti internet. Bhiri iri rinosungisa vose vanenge vachipara mhosva vachishandisa Internet.

Vatiwo dare iri rakatambirawo bhiri richange richiona kuti paumbwa hofisi imwechete ichange ichiona nezvekusimwa kwemari munyika iro riri kudaidzwa kuti Zimbabwe Investment Development Agency Bill.

Amai Mutsvangwa vatiwo dare remakurukota rakatambira bhiri rekuvandudza nyaya dzedzidzo munyika kuitira kuti dzidzo yepasi neyepamusoro ive pachena.

Zvichakadai, Amai Mutsvangwa varamba kupindura mibvunzo yevatori venhau yakanangana nekuvandudwa kwedare remakurukota uko kwakaziviswa neChipiri nemutevedzeri wavo, VaEnergy Mutodi, padandemutande reTwitter uko kwavakati kungangoitwa munguva pfupi iri kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG