Accessibility links

Breaking News

Sarudzo yeBikita West By Election Yokonzera Mutauro


Vari kukwikwidza vakazvimiririra, VaHeya Shoko, vanoti bato riri kutonga riri kutyisidzira vanhu nemhirizhonga kana rikasakunda pasarudo iyi.

Vari kumiririra mapato anopikisa Zanu PF pasarudzo yekutsiva vaimbova nhengo yeparamende ku Bikita West vari kuchema nerekuti bato rinotonga riri kutyora kodzero devanhu munyaya dzesarudzo sezvo riri kushandisa chikafu pamwe nekuvhundutsira vanovhota nemhirizhonga kuti varitsigire.

Vachitaura ne Studio 7 muMasvingo vari kukwikwidza vanoti sarudzo iyi haisi kuitwa pachena sezvo kodzero dzevanhu dziri kutyora nevatsiri veZanu PF.

Vanokwikwidza vakamirira musangano we National Constitutional Assembly (NCA), VaMadock Chivasa, vanoti zviri kuitwa ne Zanu PF zvinovarwadza nekuti zvinokanganisa kuitwa kwesarudzo dzakachena.

Vanokwikwidza vanoti Zanu PF iri kushandisa mari yehurumende kutenga chikafu sezvo vanhu vazhinji vakatarisana nenzara yakakonzerwa nekushaikwa kwemvura mwaka wapfuura.

Vari kukwikwidza vakazvimiririra, VaHeya Shoko, vanoti bato riri kutonga riri kutyisidzira vanhu nemhirizhonga kana rikasakunda pasarudo iyi.

VaShoko, avo vakamboita nhengo yeparamende ye nzvimbo iyi mugore ra 2008 kusvika muna 2013 vari kuMDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai, vanoti zviri kuita Zanu PF hazvisi kuzodzosera vatsigiri vavo kumashure pakuvavhotera vachiti vane tarisiro yekukunda.

Mumwewo ari kukukwikwidza akazvimiririra, VaInnocent Muzvimbiri, vanoti vatsigiri veZanu PF vari kusvibisa maposita avo ekutsvagisa rutsigiro.

Vanopikisa Zanu PF vari kupomera nhengo yebato iri inoona nezvekufambiswa kwemabasa muMasvingo, Va Jeepy Jaboon, mhosva yekutungamirira mhirizhonga kuitira kuti mumiriri wavo, Amai Beauty Chabaya, vakunde musarudzo idzi.

Vari kukwikwidza vakamirira Zimbabwe People First, Va Kudakwashe Gopo, vanoti vatsigiri vavo vakarohwa mwedzi wapera.

Vakati anotungamirira kambeni yavo, VaSuru Gurwe pamwe naVa Desire Struggle Nyahunda vanova polling agent wavo, vakarohwa zvakaipisisa musi wa10 Zvita gore rapera.

Apo vamwe vatsigiri vavo vanopfuura gumi vakarohwa musi was 29 Zvita kuward 22 nevatsigiri ve Zanu PF vakadzivisa musangano wavaiita wekutsvaga rutsigiro.

VaGopo vanoti vakamhangara nyaya idzi kumapurisa pakasungwa vatsigiri ve Zanu PF asi vakazongobudiswa vasina kutongwa.

Va Chivasa vakabvumirana nevamwe vari kukwikwidza musarudzo iyi kutio Zanu PF iri kukonzera mhirizhonga.

Asi nhengo yeZanu PF, Amai Chabaya, vakaramba kutipa pfungwa dzavo panhare vachiti vaiva vakabatikana nemisangano vakavimbisa kutifonera asi havana kuzviita.

Vari kumirira Progressive Democrats of Zimbabwe, VaTerrence Makumbo, vanotiwo vanhu vari kuvhundutsirwa nemhirizhonga seyakamboitika mugore ra 2001 yaitungamirirwa nemushakabvu Chenjerai Hunzvi apo pakaitwa sarudzo dzekutsviva nhengo ye paramende yaiva yeMDCT.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Charity Mazula, vakaramba kutaura nezvemhirizhonga.

Sarudzo yemuBikita West iri kuitwa musi wa 21 Ndira, iine vanhu vatanhatu vachatatsurana kuti vamiririre vagari venzvimbo iyi muparamende.

Sarudzo idzi dziri kuitwa kutsviva nzvimbo yakasiiwa naVa Munyaradzi Kereke veZanu PF avo vari kupika jeri kwemakore gumi mushure mekubatwa nemhosva yekubata vana vadiki chibharo.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG