Accessibility links

Breaking News

Dare Rotambira Chikumbiro chaVaMugabe Chekuti Sarudzo Dziitwe Gore Rinouya


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe

Dare repamusoro neChipiri rakapa mutongo wekuti zuva resarudzo dzemunzvimbo nhatu dzekuMatabeleland dzisina vamiriri, dziitwe gore rinouya muna Kurume sechikumbiro chainge chaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Dare repamusoro neChipiri rakapa mutongo wekuti zuva resarudzo dzemunzvimbo nhatu dzekuMatabeleland dzisina vamiriri, dziitwe gore rinouya muna Kurume sechikumbiro chainge chaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Dare repamusoro soro reSupreme Court rakanga rati VaMugabe vanofanira kuti vatare zuva resarudzo munzvimbo dzaimirirwa naVaAbednico Bhebhe - Nkayi South; Njabuliso Mguni – Lupane East; pamwe nava Norman Mpofu - Bulilima East, asi vakaenda kunokumbira dare repamusoro kuti vapihwe nguva yakati rebeyi.

Vamiriri venzvimbo idzi vakadzingwa mubato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube muna 2009, izvo zvakaita kuti vadzingwe mudare reparamende. Kubva panguva iyi vanhu vemunzvimbo idzi havana vamiriri.

Mutongi wedare reHigh Court, VaGeorge Chiweshe, avo vaimbove musoja, vati zvikonzero zvekuti sei vapa mutongo uyu vachazviburitsa munguva inotevera. Gweta raVaMugabe, VaRay Goba, vanoti mutungamiri wenyika ari kuda kuti sarudzo dziitwe asi chiri kunetsa inyaya yemari yekuita sarudzo idzo.

VaGoba vanotiwo VaMugabe vari kutenderana nevamwe vavo vari muhurumende yemubatanidzwa kuti sarudzo dziitwe gore rinouya panozongoitwa sarudzo dzenyika yose.

Asi rimwe remagweta evari kupikisa izvi, VaTawanda Zhuwarara veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti zvinhu zvinoshamisa kuti hurumende inoda kutyora mitemo yenyika ichiti haina mari.

VaBhebhe vaudza Studio 7 kuti havasati vaona nezvemutongo uyu nekudaro hapana chavangataure pari zvino.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda vanoti VaChiweshe havana kupa zvikonzero zvapa kuti vatambire chikumbiro chaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG