Accessibility links

Breaking News

Kunyoresa Kuvhota Kwounza Mutauro Munyika


Amai Rita Makarau sachigaro weZEC
Amai Rita Makarau sachigaro weZEC

Kunyangwe hazvo paine kunetsa kukuru pamabatirwo ari kuitwa basa nesangano reZimbabwe Electoraal Commission, ZEC, pakunyoresa vavhoti, sachigaro wesangano iri, Amai Rita Makarau, vanoti vane chivimbo chekuti vachakwanisa kunyoresa vanhu mamiriyoni manomwe.

Nemusi weChina, mapato anopikisa anoti rePeople Democratic Party, PDP, neMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube anyora mashoko kuvatori venhau achigunun’una kuti ZEC haina kugadzirira zvachose kunyoresa vanhu uye nekuti zvichemo zviri kubva kuvanhu zvawandisa.

Mutauriri wePDP, VaJacob Mafume, vati vatsigiri vavo vari kuvaudza kuti vanhu veZEC havasi kukwanisa kushandisa maBiometric Voter Registration Kits ekunyoresa vavhoti.

VaMafume vati Amai Makaru vari kuita zvemahumbwe nechirongwa chenyika.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNcube, VaKurauone Chihwayi, vati ZEC iri kushanda neZanu-PF mukuda kudzivisa vanhu zvikuru mumaguta kuti vasanyorese kuvhota.

Amai Makarau vanoti vanhurume vakawanda vari kuita matambudziko pakuti michina iverenge minyore yeminwe yavo kana kuti finger prints sezvo vasingashandise mafuta ekuzora minwe yavo.

Hukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gwaro revavhoti idzva rechizvinozvino riri kushandiswa kekutanga munyika musarudzo dzegore rinouya uye range richitarisirwa kuti richapedza mutauro unosimuka pose panoitwa sarudzo.

Asi nekunetsana kuri kuitika pakati peZEC nemapato anopikisa, zvinoratidza pachena kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzichangoita mutauro sezvakaitika kuKenya zvakapa kuti dare repamusoro soro munyika iyi rigume rati sarudzo dzemutungamiri wenyika dzidzokororwe.

Sangano reZEC riri kupomerwawo mhosva yekungotevera zvinotaurwa nebato reZanu-PF richiremera divi rimwe setsvimbo.

Asi ZEC inoti haiudzwe zvekuitwa nemapato ezvematongerwo enyika.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti ZEC yange isina kugadzirira kunyoresa vavhoti.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kudivi reZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti vanopikisa vagara vachida kungoshora ZEC.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG