Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotapudza maBVR muBulawayo


BVR Byo
BVR Byo

Vamwe vemapato ezvematongerwo enyika vari kuchema-chema zvikuru nekutapudzwa kwemichina ichashandiswa pachikamu chakawedzerwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota mudunhu reBulawayo.

Izvi zvabuda mushure memusangano waitwa muBulawayo neChishanu masikati pakati peveZimbabwe Electoral Commission, ZEC, nemapato ezvematongerwo enyika.

Pamusangano uyu veZEC vazivisa kuti panotanga chikamu chakawedzerwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota musi wa10 Ndira mudunhu reBulawayo muchange muine michina yekunyoresamitanhatu chete ichange ichishandiswa kusvika panopera chikamu ichi musi wa 8 Kukadzi.

Mukuru wezvesarudzo muBulawayo, Amai Sithokozile Khupe, vaudza Studio7 kuti vachange vachienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira kunopiwa vanhu zvitupa senzira yekuti vape vanhu vasina kunge vakwanisa kunyoresa mukana wekuti vaite saizvozvo.

Pakatanga chirongwa chakavandudzwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota veZEC muBulawayo vaive nemichina zana negumi rimwe chete yavaishandisa munzvimbo dzaksiyana-siyana mudunhu iri.

Murongi wemabasa mubato reEconomic Reform Assembly, VaTineyi Hwande, vanove mumwe wevapinda mumusangano uyu vati kushomeka kwemichina yekunyoresa vanhu kuchaita kuti chirongwa ichi chisiye vanhu vakawanda vasina kunyoresa.

Pakapera chikamu chakavandudzwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota musi wa19 Mbudzi gore rapera, dunhu reBulawayo ndiro range riine vanhu vashoma pane vanhu vose vakakwanisa kunyoresa munyika mose.

Nhengo yeMDC T variwo mumiriri weBulawayo Metropolitan mudare reparamende pasi pechikamu che proportional representation, Amai Nomvula Mguni, vati vanhu vakawanda vachiri kunetseka nekuwana magwaro ekuzvarwa kubva kumahofisi aRegistrar General.

Kunyange hazvo kunyoresa vanhu chaiko kuchizotanga svondo rinouya, kutanga neMugovera veZEC vachishanda nemamwe masangano anoshanda akazvimirira, vachatanga kufamba munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachidzidzisa vanhu pamusoro pezvekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Pasi pemitemo yesarudzo veruzhinji vanokwanisa kuramba vachinonyoresa kuti vagokwanisa kuvhota kumahofisi eZEC kusvika panguva inenge yatarwa zuva rekuti sarudzo dzichaitwa riinhi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG