Zimbabwe inonzi iri kutenga simbi kubva kunze kwenyika dzinokosha mari inodarika bhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica pagore nekuda kwekusashanda kwekambani yeZiscosteel.
Vachitaura pakuparurwa kwaitwa musika weVictoria Falls Stock Exchange kuVictoria Falls, gurukota rinoona nezvemaindasitiri pamwe nekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, vati nyika iri kuburitsa mari yakawanda zvikuru kutenga zvinhu zvinogadzirwa nesimbi kubva kunze kwenyika.
Amai Nzenza vati hurumende iri kutora matanho akasimba kuti kambani yeZiscosteel ichitanga kushanda zvavati zvinopa kuti Zimbabwe isaburitse mari yakawanda.
Zvichakadai, mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti hupfumi hwenyika husimukire munyika hurumende inofanira kuona kuti maindasitiri mazhinji avhurwa.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti maindasitiri mazhinji ayo akavhara nekuoma kwezvehupfumi munyika anokwanisa kuvhura chete kana hurumende ikasapota ichingochinjachinja mirawu inobata mafambisirwo anoitwa mabhizimusi uye pakave nekugadzikana kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi hwenyika.
Zvichakadai, gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vaudza vanhu vanga vari pakuparurwa kweVictoria Falls Stock Exchange kuVictoria Falls kwakare kuti kuparura kwavaita musika uyu kuchaita kuti vemakambani ekunze vanoda kusima mari yavo munyika vasime vakasununguka zvichaita kuti nyika iwanewo mari yekunze.
VaNcube vati musika uyu uchatanga nekutengesa ma share ekambani yeSeedCo International kutanga neMuvhuro.
Mimwe misika yakaita seweVictoria Falls Stock Exchange waparurwa nhasi uyu iri kunyika dzakaita seIreland, Luxembourg, the Carribean, Singapore, Hong Kong pamwe neMauritius.
Kuparurwa kwemusika weVictoria Falls Stock Exchange kuchaita kuti vekunze vakwanise kutenga kana kutengesa masheya pamusika uyu, izvo zvakanga zvisingakwanise kuitika pamusika weZimbabwe Stock Exchange.
Facebook Forum