Accessibility links

Breaking News

Vemabhizinesi Voshushikana neDanho reHurumende reHurambidza Kushandiswa kweMari yeKunze


Zimbabwe business executives in Harare follow an address by President Emmerson Mnangagwa who wants to address the country’s melting economy, Oct. 29, 2018
Zimbabwe business executives in Harare follow an address by President Emmerson Mnangagwa who wants to address the country’s melting economy, Oct. 29, 2018

Vemabhizinisi vari kuchema chema kuti kusashandiswa kwemari yekunze kuchaita kuti vatadze kutenga zvinhu zvanoda kunze kwenyika sezvo mari yekunze isiri kuwanikwa kumabhanga.

Zvichitevera kutarwa kwemutemo unorambidza kushandiswa kwemari dzekunze kwenyika, vemabhizinesi vanoti zvinhu zvichavaomera.

Mumwe muzvinabhizinisi anotengesa midziyo yemagetsi yaanotenga kuSouth Africa, VaTensen Madziire, vanoti pane zvinhu zviviri zvichaitika.

VaMadziire vanoti zvinhu zvichadhura nekuti vanenge vave kutenga mari ichidhura pamikoto kana kuti zvichashaikwa kana vakashaya mari yacho yekunze kuitira kuti vanotenga zvinhu kunze kwenyika.

VaDaniel Zororo, avo vanotengesa zvekudya zvavanohodha kunze kwenyika, vanoti zvinhu zvichashaikwa muzvitoro sezvo panenge pasina mari yekudzokera kunohodha.

Vakafanobata chigaro chasachigaro wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Isreal Murefu, vanoti vemabhizinisi vanenge vave kuwana mari kubva kumabhangi avo kwete kubhangi guru renyika reReserve Bank Of Zimbabwe (RBZ).

Dr Murefu vanoti kunyange hazvo pasati pave nemunhu ati avaudza kuti akawana mari kubhangi rake, vane chivimbo chekuti mabhangi achapa vemabhizinisi mari yekunotenga zvinhu kunze kwenyika.

Mutauriri weRBZ, VaAlson Mfiri, vanoti vemabhizinesi vanoda mari yekunze, vanofanirwa kuenda kumabhanga avo sezvinodiwa nemutemo.

Mumwe mushandi, MuzvarE Sylivia Kachere, vanoti kubhanwa kwemari yekunze kwakanakira vashandi sezvo zvinhu zvanga zvave kukwira zuva nezuva.

Hurumende yakazivisa neMuvhuro kuti munyika muchange mave kushandiswa chete mari yemabhondi neRTGS mukutenga nekutengeserana danho riri kutambirwa zvakasiyana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG