Accessibility links

Breaking News

Kukwidzwa kweMafuta eKufambisa Kworwadza Vagari muChinhoyi


Vagari vemuChinhoyi vanoti mari dzekuripira mumabhazi dzakakwira zvakanyanya.
Vagari vemuChinhoyi vanoti mari dzekuripira mumabhazi dzakakwira zvakanyanya.

Vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nemakwidzirwo ari kuita mari dzekufambisa kuenda kunzvimbo dzakasiyana apo zvitoro zvakawanda zvainge zvakavharwa neSvondo.

Mari dzekufambisa dzakamuka dzakakwidzwa nezuro mangawanani zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mari yemafuta edzimotokari nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMugovera.

Dzendo dzose dzemuChinhoyi dzaisiita dhora rimwechete dzave kuita madhora matatu, mari inonzi nevakawanda yakawandisa.

Kubva muChinhoyi kuenda kuHarare munhu aimbobhadhara madhora matanhatu, asi iye zvino kwave kubhadharwa madhora gumi nemashanu. Kubva muChinhoyi kuenda kuChegutu kana kuKaroi kwave kuita madhora gumi nemaviri kubva pamadhora matanhatu.

Amai Sarudzai Patana vanoti madhora matanhatu pamunhu kuenda kubasa ivo nemurume wavo nemwana wavo anoenda kuchikoro nekombi yakawandisa.

Mumwe mudzidzisi, VaItai Mutapa, avo vanoti vainge vave kuenda kubasa kaviri pasvondo, vanoti nhasi havaende kubasa sezvo vasina mari yekufambisa.

VaMutapa vanoti pavaenda kunotenga zvekudya zvitoro zvanga zvakavhara zvavapa fungidziro yekuti vezvitoro vari kuda kukwidza mitengo yezvinhu kubva nhasi mangwanani.

Asi VaClifford Matambo, avo vanotengesa zvekudya, vanoti mitengo inofanirwa kukwira sezvo mari yekuunza zvinhu zvavanotengesa zvave kuvadhurira nekuda kwemitengo yemafuta yakakwidzwa.

Mumwewo mugari wemuChinhoyi anoda kudanwa nezita rekuti Nimrod anoti zvinonyadzisa kuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa anozivisa kukwira kwemafuta gurukota rezvemhando dzemoto riripo.

Mutungamiri wenyika VaMnangagwa vakazivisa kuti dhiziri rave kutengwa nemadhora matatu nemasendi gumi nerimwe ukuwo peturu yave kuita madhora matatu nemasenzi makumi matatu.

Kunyange mafuta edzimotokari akakwidzwa achiri kushaikwa munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG