Accessibility links

Breaking News

Mitemo yeCovid-19 Yotyorwa muBulawayo Pasina Anosungwa?


Bulawayo Vendors Vaccination Prog
Bulawayo Vendors Vaccination Prog

Vanhu vakawanda vaswera vari mukati meguta reBulawayo vachiita zvavanogara mazuva ose, zvisinei nekuti hurumende yakati yave kudzora matanho akasimba ekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 icho chiri kuramba chichitekeshera munyika.

Ongororo yaitwa neStudio7 yaratidza kuti pamigwagwa inopinda nekubuda
mudhorobha pange paine mapurisa asi ange asingamise kana kubvunzurudza vemakombi nedzimotokari kuti vari kuenda kupi.

Vanorarama nekutengesa uye kuchinja mari mumigwagwa, pamwe nevamwe veruzhinji vange vari mudhorobha semazuva ose.

Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa nezuro kuti kunze kwezviga zviripo iko zvino zvinosanganisira kuti mabhizimisi avhurwe neguva dza8 mangwanani achivharwa na3 masikati uye kuti hapana mabhazi anofanirwa kufamba kubva mune rimwe guta kana dhorobha achienda kumwe, hurumende yave kudzora mamwe matanho akasimba ekurwisa chirwere cheCovid 19.

Asi Amai Mustvangwa havana kutsanangura zvizere kuti matanho aya ndeapi.

Pakuvharwa kwakaitwa nyika pekutanga hurumende yakatora matanho
akasiyana-siyana kusanganisira kuti veruzhinji vave nematsamba
ekufambisa.

Mumwe mutyairi wemakombi anoshanda zvisiri pamutemo (anoziikanwa kunzi mushika-shika) uyo asina kuda kudomwa nezita kana kutaura pamhepo, audza Studio 7 kuti haana kumbosangana nemapurisa mumugwagwa weKhami Road maanoshandira kubvira paatanga basa mangwanani .

Taedza kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti chii chiri kuitwa nemapurisa kuona kuti vanhu vatevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 asi
nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Murongi wemabasa musangano reBulawayo Vendors and Traders Association, Amai Debra Mukasa, vaudza Studio 7 kuti vanonzwisisa kukosha kwekuti hurumende itore matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 asi vati hurumende inofanirwa kuita izvi nenzira inoratidza kurongeka.

Mumwe anorarama nekutengesa pamusika unoziikanwa kunzi Fife Street
Market uyo angozvidoma nezita rekuti Sithole, ati maonero ake ndeekuti
kuwedzera mamwe matanho akasimba pane aripo kunowomesera veruzhinji avo vari kurarama nekuzvishandira pachavo vega.

Zvichakadaro kubaiwa nhomba kwevanotengesa mumigwagwa kwapinda muzuva repiri nhasi muBulawayo vakawanda vachiratidza kufarira chirongwa ichi.

Asi VaSithole vati hurongwa hwekubaiwa nhomba haufanirwe kunge
huchimanikidzwa vanhu.

Asi mumwe mudzimai anoraramawo nekutengesa uyo angozvidoma nezita
rekuti Amai Farai ati anoona zvakakosha kuti veruzhinji vabaiwe nhomba
senzira yekudzivirira chirwere cheCovid 19.

Kanzuru yeguta reBulawayo ichishanda nebazi rezvehutano, yakatora
danho rekuti ibaye vanorarama nekutengesa vanosvika zviuru makumi gumi nezvishanu kutanga mukati memazuva gumi kutanga nezuro.

Vanhu vari kubaiwa nhomba munzvimbo dzakasiyan-siyana kusanganisira
paCity Hall nekunomirira mabhazi ekumaruwa kuRenkini pamwe nemamwe makiriniki ekanzuru.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu makumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vava chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevapfumbamwe.

Hurumende inoti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga kusvika nezuro vakanga vava zviuru mazana masere nezvinomwe nemazana matanhatu nemakumi matatu nevatatu 807,633, uye vabayiwa nhomba yepiri vava zviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nezvina nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevana 574 934.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG