Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Rubatsiro rweMari Kubva kuNyika Dziri muSADC


Tendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti Zimbabwe yave kutsvaga rubatsiro rwe kuSouth Africa nedzimwe nyika, dzemuSouthern African Development Community, SADC, sezvo hupfumi hwayo husiri kunatsofamba zvakanaka.

Vachitaura nevatori venhau maererano nemamiriro akaita hupfumi hwenyika, VaBiti vati mukati memasvondo maviri chaiwo vachange vachisangana nemumwe wavo wekuSouth Africa, VaPravin Godharm, apo vachakumbira rubatsiro rwezana remamiriyoni emadhora kubva kunyika iyi.

Vati vachakumbira zvakare South Africa kuti izadzikise chitsidzo chayakaita pamusangano weSADC muna 2009 chekuti ichabatsirawo Zimbabwe nemamiriyoni mazana mashanu emaranzi. Botswana yakatozadzisa zvayakavimbisa svondo rino nerubatsiro rwemadhora mamiriyoni makumi matanhatu nechidimbu.

Kunze kweSouth Africa, VaBiti vati pane nhaurirano dzvavari kuitawo neAngola dzekuti vawane chikwereti chemamiriyoni makumi mashanu emadhora.

Vatiwo pane nhaurirano dzavari kuita neInternational Monetary Fund vachiti sangano iri richaita chisungo chikuru pamusoro peZimbabwe pamusoro pechikwereti chayo icho chave pamabhiriyoni mapfumbabwe nechidimbu.

Vati bhajeti renyika harisi kuita zvakanaka uye vati mari iri kutarisirwa nehuremende iri kutadza kukwana nemamiriyoni makumi matatu pamwedzi wega wega.

Vati bazi ravo richaita zvese zvarinogona kuona kuti mari yese yehurumende yaendeswa kubazi ravo vakati pane makambani ehurumende nemapazi ehurumende ari kushandisa mari dzinofanira kunge dzichienda kubazi ravo.

Asi varatidza kusafara nenyaya yekuti hapana chiri kubuda kubva pakutengeswa kwemangoda. Vati semuenzaniso, kusvika muna Nyamavhuvhu gore rino, kwatengeswa mangoda anokosha mamiriyoni mazana mana nemakumi mashanu ane chidimbu emadhora, asi bazi ravo rakangopihwa madhora mamiriyoni makumi mana chete.

Vati nyaya yemangoda yave kutoda kuti munhu wese aone zvaangaite kuitira kuti mari isiri kuzivikanwa kwairi kuenda, ipinde muhomwe yehurumende.

VaBiti vati bazi ravo rinoda mamiriyoni mazana mana emadhora kusvika pakupera kwegore. Vati mari iyi ichashandiswa kupa mabhonasi kuvashandi vehurumende, kuita referendamu, pamwe nekutenga mbeu nezvimwe zvekurimisa mumwaka wekurima usati wasvika.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG