Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vodzidziswa Mutambo weTsiva kuChitungwiza


Boxing Academy for Youths

Mumusha weChitungwiza mavambwa chikoro chekudzidzisa vechidiki nezvemutambo wetsiva senzira yekusimudzira mutambo uyu.

Chikoro ichi, icho chinodaidzwa kunzi Box Africa Academy, chavambwa naVaGilbert Munetsi, avo vaimbove munyori mukuru weZimbabwe National Boxing and Wrestling Board of Control vachiwana rubatsiro kubva kune vakazvimirira vega kunze kwenyika kuCanada, nekuSouth Africa.

Vechidiki kubva muzera remakore mapfumbamwe vanenge vachidzidziswa nezvetsiva nevadzidzisi avo vaimbotamba mutambo uyu kusanganisira VaPamsen Sangulani avo vaimbove nebhande remukombe rehuremu hwemiddleweight muZimbabwe.

VaMunetsi vanoti vakaona zvakakodzera kuti vabatsire vechidiki ava kuitira kuti mutambo wetsiva usimudzirwe mune remangwana.

VaMunetsi vanoti pari zvino vane vana makumi matatu nevanomwe avo vari mubishi rekukanda zvibhakera.

Vanoti vakaona kuti pakafira mutambo wetsiva ndepekuti hakusisina tsiva mune vechidiki izvo zviri kukonzera kuti kushaike vatambi vanokwanisa kumirira nyika zvine mutsindo vachirwa neve kune dzimwe nyika.

VaMunetsi vari kutevera gwara remutevedzeri wegurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, avo vari kukurudzira kudzidziswa kwezvemitambo kune vechidiki kunyanya muzvikoro.

VaMunetsi vanoti chinangwa chavo ndechekudzora tsiva kumazuva emufaro ekare apo Zimbabwe yaive nevatambi vairura muAfrica nepasi rese vakaita saLangton Schoolboy Tinago, Stix McLoud naProud Kilimanjaro Chinembiri.

Vanoti vari kuda kuti vechidiki ava vawane mitambo muZimbabwe pamwedzi wega wega uyezve vari kuvarongera mitambo kunze kwenyika.

VekuCanada ava avo vanotungamirwa naVaSyd Tranmeyers veFighter Supporting Youths pamwe naVaAndrew Snell vekuSouth Africa avo vaimbove sachigaro weWorld Boxing Council muAfrica vakapa Box Africa Academy zvekushandisa zvinosanganisira magirovhosi, shangu, mabhegi ekurova nezvibhakera, nezvimwewo zvakadaro.

Muongorori wezvemutambo, VaRichard Mwanza, vanoyambira VaMunetsi kuti zvinhu kana mari inobva kune vanobatsira zvemitambo inofanira kushandiswa zvayakatarirwa kwete kuiswa muhomwe.

Mutambo wetsiva uyo waive pamusoro soro Zimbabwe ichirura muAfrica nepasi rese wawira pasi zvekuti kunze kwaCharles Manyuchi hapana mumwe mutambi anozivikanwa.

Manyuchi wacho anotorwa nevekunze sevekuZambia sezvo achirwira mitambo yake yese munyika iyoyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG